Kudzidza hakupere nebvunzo

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
TINORAMBA tichingopanda nekutsvaga ruzivo kubva mune zvakawanda muchiShona chedu kuti tigovawo magodobori emutauro wamandorokwati. Ruzivo rwedu rwunofanirwa kuvandudzwa nguva nenguva kubva mukunyora chiShona chakanaka kusvika mukuziva zvakavanzika muhupenyu netsika dzedu.

Sekuvimbisa kwandakaita muchikamu chadarika, tinoda kubata zvimwe zvemhambaro kana shavo dzaiuya nevahombarume kubva mumasango.

Kunze kwekunobata hove, vadzimba vanoenda kunochera mbeva mumakura. Vamwe vanoenda mumatimbwa kana matoro muya munony’udza vachichera mbeva huru dzinonzi matapi. Mamwe matapi anokura zvekuda kunoenzana netsuro chaiyo nekudaro ane nyama yakawanda.

Dzimwe mbeva dzinotambira muzvuru zvekuti kudzibata dzinotoda mariva nezvikirimbani sezvo kuchera kuchinetsa. Mbeva idzodzi dzinonzi madanhazvuru. Kunozoitawo mbeva dzine mitsetse mitema pamusana dzinongoswero mhanya mumwenza mumakura nemumadhunduru dzinonzi nhuru. Kunowanikwawo mbeva dzisinganyanyokura dzinonzi nhika dzinocherwa muminda nguva yematsutso. Shana imwe mhando yembeva inozivikanwa nekuti ine mafuta akawanda.

Mhando dzembeva dzandataura pamusoro imhando dzinozivikanwa navazhinji. Kune dzimwewo mbeva dziriko asi vamwe havadzidyi. Kune kambeva kanonzi kamukuyadenhe kekuti vamwe vanoda kukaisa kumakonzo. Vamwe vanokapa zita rekuti kafuramachira. Ikako hakasi kekuswerochera asi kuti kanoitwa zvekuteiwa neriva kana chikirimbani.

Kune mbende inova zimbeva rinozivokanwa nekudheka zvikuru uye nekumhanya zvekuti kazhinji vacheri vembeva vanorovana mipimbiri vachiedza kurova mbende inenge yadheka. Imwe mhando inonzi mhatsi iyo inokwira mumuti kunoita dendere rayo rekuberekera vana. Kunozoitawo inonzi dywangaranga. Makurwe anozivikanwa nekunaka uye anobatwa munguva yeZhizha. Anocherwa uye paari panoonekwa nedutu. Hakuna mhando dzakawanda dzamakurwe kunze kwechinyamunjwiriri iro rinozivikanwa nekurira manheru. Vanhu kazhinji vanobata chinyamunjwiriri nekungotevera parinorira riri sezvo richirira riri kumuromo kwemwena. Nyamuzanda imwe mhando yegurwe iyo inoti kurei zvishoma kupfuura kamunjwiriri uye hariririsi. Vamwe vanoti chikudywu igurwe.

Kune kumwe kudya kunozivikanwa nekuvaka muviri kunonzi madora. Madora anowanikwa mumiti umo anopona nekudya mashizha. Mhando dzamadora dzinouya kubudikidza nemiti yaanowanikwa. Mashonjwa anowanikwa mumutondo, musasa kana mupani. Manhemeteme anowanikwa mumusasa. Mumuvhirinyimo munowanikwawo madora anonzi mavhirinyimo. Madora anonzi chiwizi anowanikwa mumukute nemubonda. Harati imhando yamadora inowanikwa mumukarati. Nhongotokowa dzinowakwawo mumutowa.

Share This:

Sponsored Links