Uncategorized

Kudzidza handi gwaro rekupaza nyika

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Kudzidza handi gwaro rekupaza nyika

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

VAZHINJI munyika yeZimbabwe vanofunga kuti kana munhu achinge adzidza zvemhando yepamusoro, achibva awana basa repamusoro zvakare, atowana gwaro rinomubvumidza kupaza musha, kambani kana nyika ino.

Veruzhinji vanotarisira rubatsiro rwune ruenzaniso kune vakadzidza, asi vanoshamiswa zvikuru nezvinoitwa nevamwe vevanhu ivava. Zvino kana zvadai hapachina mutsauko wahwindi neakadzidza muZimbabwe. Ndinodaro nokuti tinoona vana hwindi vasina basa neupenyu hwevanhu vavakatakura mumabhazi avo, kana anozvifambira zvake netsoka, bhasikoro, kana nemotokari yake mumugwagwa.

Chinodiwa zvikuru nahwindi imari chete yaanopihwa newaatakura. Haana basa kana neupenyu hwake iye pachake.

Mweya wehuhwindi iwoyo tave kuhuona mune vakadzidza nokuti vanoita zvinongoitwawo nanahwindi asi zvavo ndezvekupaza makambani nenyika zvemhando yepamusoro.

Vazhinji vevakadzidza ava vanowana mabasa makuru mumakambani nemapazi eHurumende. Hezvino zvimwe zvinoitwa nevamwe vakadzidza vane nhodzera dzana hwindi:

Vanopinza mabasa vehukama kazhinji, kana vaye vane nhodzera dzekurasa njere vanovapa mabasa ehutungamiri.

Vehukama vose vanonotorwa kumusha uko vanenge vachifudza mombe.

Kudoti hatina shangu dzekupfeka, vanoti unodziwanira mberiko. Ko vasina hama dziri kumusoro vachapindawo mabasa kupi?

Zvadaro vehukama vapinzwa mabasa havaterere vakuru vavo pamabasa avapinzwa, zvoita kuti basa risafambe zvakanaka. Pedzezvo vanobhadharisa vanhu vasiri vehukama hwavo kuti vavape mabasa kana nzvimbo dzechikoro kumakoreji nemayunivhesiti.

Hazvishamise kuti vanhu ivava ndivo vachadzidzisa vana vedu muzvikoro nekutirapa muzvipatara kanapo vaisakodzera kudzidzisa kubva pekutanga. Zvino tingatarisire zvipi pakadai kuti nyika yedu ibudirire? Dare rino rinobvunza iwe sedungamunhu mutungamiri, kuti wakambosvika pauri ipapo zvakanaka here kana kuti wakasairirwapo?

Vamwe vakadzidza ndivo vanonyora nechirungu chinonwisa mvura kudarika varungu vacho pahurongwa hwegore negore asi basa ravo harinwise mvura. Gore negore vanopihwa mari yekugadzirisa zvinhu zvakamonyoroka mumakambani avanotungamirira asi zhinji yacho inopinda muhomwe dzavo neruzivo rwavo rwekuba zvinofanira kupundutsa kambani kana nyika.

Mubvunzo ndiwo unoti, “Inyika yepi yakabudirira nekunyora chirungu chakanaka isu tichiita zvisina kunaka pamabasa?” Pamwe tikatarisa nyika yedu pairi nhasi uno, tichifananidza nedzimwe nyika, ndipo patinoona kuti tichiine basa. Ngatisaite zvinhu zvine ngozi isu vakadzidza, ngatisaite nyika yedu kunge dongo.

Dongo musha wakatamwa nevanhu vachinotsvaga mumwe musha wekugara. Dongo rinoonekwa nekuparara kwedzimba, migwagwa, marara asina anotsvaira, huswa husina anocheka pamusha nekusashambidzika pachivanze.

CHENJEDZO

Dare rino rinoyeuchidza vakadzidza kuti vaumbe nyika ino ibudirire.

Ngatiratidze kudzidza kwedu nekusiya zvinobatika kune vanotevera, tibvise huhwindi matiri tose.

Tikadaro, nyika inobudirira.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links