Kudzimwa kwemagetsi kwawedzera

26 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Kudzimwa kwemagetsi kwawedzera Hwange

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KUDZIMWA kwemagetsi kwakanyanya kuri kuitwa nekambani yeZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company (ZETDC) kubva neMugovera kunonzi kuri kukonzerwa nematambudziko ari kusanganikwa nawo pakukwenywa kwawo kuzviteshi zveHwange neKariba South pamwe nekushomeka kweanobva kunze kwenyika.

Pari zvino hapana nguva yakatarwa inotaridza kuti mamiriro ezvinhu aya anenge agadzikama rinhi.

Muchiziviso kune veruzhinji nezuro, ZETDC inoti: “Tawedzera kudzimwa kwemagetsi kutanga neMugovera. Izvi zviri kukonzerwa nematambudziko ari kusanganikwa nawo mukugadzirwa kwemagetsi kuzviteshi zveKariba neHwange Power Stations pamwe nezvimatambudziko mukutenga mamwe kunze kwenyika.

“Kambani ino iri mushishi yekuona kuti mamiriro ezvinhu aya agadziriswa uye veruzhinji vawana magetsi semazuva ose.”

Kudzimwa kwemagetsi kwakanyanya nguva pfupi yadarika kwakakonzerwa nekusashanda zvakanaka kwemayunitsi maviri ekuHwange Power Station.

Nyika dzakawanda dziri mudunhu reSadc dziri kusangana nedambudziko rekushomeka kwemagetsi, apo Eskom yekuSouth Africa, iyo inobika magetsi akawanda kudarika dzimwe nyika, ine chirongwa chekudzima magetsi zvakare.

Izvi zvinoreva kuti mukana wekuti Zimbabwe itenge magetsi kubva kuSouth mudiki zvakanyanya.
Kushandiswa kwemagetsi muZimbabwe kuri kukwira zvichitevera kusimukira kweupfumi hwenyika.
Mayunitsi maviri ari kuvandudzwa kuHwange anotarisirwa kuwedzera huwandu hwemagetsi ne300MW kutanga munaMbudzi.

Share This:

Sponsored Links