Kudzinga nzara nembesa dzetsanga diki

23 Nov, 2021 - 13:11 0 Views
Kudzinga nzara nembesa dzetsanga diki Exif_JPEG_420

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SENZIRA yekusimudzira kurimwa kwembesa diki dzakaita semapfunde nenyemba idzo dzinotivirira muzuva, sangano reWorld Food Programme rakapihwa matani anodarika 6 000 embeu dzezvirimwa izvi nehomwe yeIndia-UN Development Partnership Fund izvo zvichapihwa kuvarimi vekuMangwe nekuChiredzi.

Zvekushandisa mukurima izvi, zvinosanganisirawo mafetireza emhando yeBasal uye Ammonium Nitrate (AN), zvichapihwa kuvarimi 3 484 vekuMangwe kuchizoti 2 602 vekuChiredzi.

Vachitaura pakutambidzwa kwembeu nemafetireza kusangano reWFP muguta reHarare svondo rapera, mumiririri wenyika yeIndia muZimbabwe – Ambassador Shri Vijay Khanduja – vanoti vari kupa rutsigiro rweUS$1 miriyoni kuburikidza nechirongwa cheIndia UN Development Partnership Fund.

Chirongwa ichi chine donzvo rekurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze kuburikidza nekurima kwakanaka, zvikuru kurima mbesa dzinotivirira muzuva semapfunde.

“Munzvimbo yeChiredzi neMangwe, tiri kutarisira kuti varimi 6 000 vange vachibatsirikana nechirongwa ichi. Ndinofara zvikuru kuona chirongwa ichi chichitanga mukati megore nekuti ichokwadi kuti nyika dziri kutarisana nekusanduka kwemamiriro ekunze uko kunogona kuuya nenzira yemafashamu, kupisa nekutonhora kwakanyanya, pakati pezvimwe.

“Kushandiswa kweruzivo urwu rwekurima zvirimwa zvinotanda nzara kunoita kuti vanhu uye zvipfuyo vasatambudzwe nekushaya chikafu,” vanodaro Ambassador Khanduja.

Vanoti India yakapa zvakare US$150 miriyoni mugore ra2017 iyo ichashandiswa mukati memakore mashanu mumabhindauko ane donzvo rekusimudzira zvinangwa zvinoendeka (Sustainable Development Goals).

VaStancilae Tapererwa – avo vanova director weAgritex kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa – vanoti rutsigiro rwakapihwa Zimbabwe neIndia kuvarimi vadiki vemuno rwakakosha.

“Tinofara zvikuru kuti varimi vazhinji vakapinda muchirongwa chePfumvudza icho chinoita kuti varerukirwe mukurima vachiwana goho rakakura. Kurimwa kwemapfunde nezvimwe zvirimwa zvetsanga diki semhunga, nyemba nezviyo kwakakosha mukudzinga nzara – zvikuru kana nyika ichinge yakundikana kuwana mvura yakakwana yemudenga. Nzvimbo dzakaita seChiredzi nekuMangwe dzinopisa zvakanyanya izvo zvinoita kuti kurimwa kwembesa dzetsanga diki kukosheswe,” vanodaro VaTapererwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinotenda zvikuru rutsigiro rwatinowaniswa nesangano reWorld Food Programme nevamwe vatsigiri kuti varimi vedu varerukirwe mumabasa avo uye zvinoita kuti vakwanise kubata mwaka wekurima.”

Mai Francesca Erderlmann, vanova mumiririri uye director weWFP muZimbabwe, vanoti gore rino vakawanisa ruzivo rwakakwana kuvarimi vekumaruwa kuti vagadzirire nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze kuburikidza nekuvafundisa kukosha kwekurima mbeu dzetsanga diki.

“Mumakore adarika, Zimbabwe yaisangana nedambudziko rechikafu nekudaro tiri kutsigira madzimai kunyanya nekuti ndivo vane chikamu chakakura munyaya dzekurima kumaruwa. Zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19 munyika muno, raramo yevanhu yakaderera zvikuru nekudaro tiri kutarisira kuti pave nebudiriro mavari kuburikidza nekurima kune pundutso,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey