Kudzivirira ‘3rd wave’

02 May, 2021 - 14:05 0 Views
Kudzivirira ‘3rd wave’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti senzira yekudzivirira kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kechitatu (3rd wave) munyika muno, iri kushanda nemamwe mapoka nechinangwa chekuunganidza mari nezvimwe zvinodiwa kuti patorwe matanho akasimba ekurwisa denda iri.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti dzidziso pamusoro pekukosha kwekudzivirira kupararira kwedenda iri, iri kusimbaradzwa zvakare munzvimbo dziri kusangana nedambudziko rekunyuka kwechirwere ichi zvakanyanya.

“Senzira yekudzivirira kunyuka kweCovid-19 ketatu, Hurumende iri kusimbaradza kushanda pamwe chete nemapoka akasiyana nedonzvo rekuti pave nevanhu vanoita basa zvose nemari yekushandisa kuti pange paine dziviriro yakasimba.

“Nzira itsva dziri kushandiswa zvakare dzinosanganisira kudyidzana zvakanyanya nenharaunda maringe nekudzivirira denda iri,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Zvichitevera nyaya dzekunyuka kwechirwere ichi muzvimwe zvikoro, mapoka ekumatunhu anoona nezvekufambiswa kwemashoko pamusoro peCovid-19 ari kusimbaradza chenjedzo yedenda iri kunzvimbo kwariri kukurumbira uye nekunharunda kunenge kwawanikwa vanhu vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.”

Hurumende yashandisa mari inosvika $11 bhiriyoni kurwisa Covid-19 kubvira pakatanga kunyuka denda iri munaKurume gore rapera kusvika pari zvino.

Pamusoro pezvo, Zimbabwe ichangobva kupihwa US$75 miriyoni yekubatsira kurwisa chirwere ichi kubva kuhomwe yeGoblal Fund uye mari iyi ichashandiswa kwemakore matatu anotevera.

Sen Mutsvangwa vanoti chirongwa cheHurumende chekuvandudza zvipatara nemakiriniki chave kutanga kuratidza zvibereko.

“Hurumende inofara kuzivisa kuti chipatara cheEkusileni Medical Centre chave nezvose zvinodiwa mushure mekuvandudzwa uye chichavhurwa zviri pamutemo munguva pfupi inotevera. Thorngrove Hospital yakavandudzwa, yave nemibhedha yevarwere 28 iyo ine zvose zvinodiwa senzvimbo inorapirwa varwere veCovid-19 (isolation centre) uye iri kutambira vane denda irori.

“Chipatara chekutanga munyika muno chevarwere vanorapwa pachena che’orthopaedic paediatric hospital’ neCOVID-19 Isolation Centre, icho chinenge chiri paUnited Bulawayo Hospital, chichavhurwa zviri pamutemo zvakare munguva pfupi inotevera. Chicharapa vana vane zvirwere zvinosanganisira ‘orthopaedic’ (mitezo yemiviri isina kuumbwa zvakanaka) kubva kumativi ose enyika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links