Kudzivirira Covid kuHarare Show

27 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Kudzivirira Covid kuHarare Show Dr Matibiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRONGWA chechi111 Edition Zimbabwe Agricutural Show chegore rino chakatanga nezuro paine kutevedzwa kwehwaro hwakatarwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana uye sangano reWorld Health Organisation (WHO) panyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19 apo munhu wose achapinda munhandare anofanirwa kunge akabaiwa majekiseni ose ari maviri ekudzivirira denda iri.

Vasina kubaiwa nhomba idzi vanofanirwa kuburitsa magwaro anoratidza kuti vachangobva mukuvhenekwa chirwere cheCovid-19 mukati memaawa 48 kuitira kuti vakwanise kupihwa mvumo yekupinda mushoo iyi.

Vachizivisa vatori venhau hurongwa hwekuzarurwa kweshoo, Dr Andrew Matibiri avo vanova chamangwiza weZimbabwe Agricultural Show, vanoti vanhu vari kuvhenekwa kudziya kwemuviri kumagedhe uko vanopinda nako pamwe nekupfapfaidzwa muviri wose nemishonga inouraya hutachiona hweCovid-19, donzvo guru riri rekuchengetedza upenyu panguva inowanza kuungana veruzhinji iyi.

“Shoo yegore rino ine musiyano kana tichienzanisa neyegore rapera iyo yakanga yakanangana nemabhizimusi bedzi sezvo chinangwa chikuru chaiva chekuderedza huwandu hwevanhu vanopinda muno nekuti panguva iyoyo chirwere ichi chakanga chichangopinda munyika muno, vanhu vachibatwa nacho uye nekufa,” vanodaro Dr Matibiri.

Vachawanikwa vachityora mitemo yekurwisa Covid-19 vachasungwa.
Vanoti munzvimbo dzose dzichasvikira vanhu vachiona zvirimwa nemimwe midziyo kushoo, muchange muine pekugezera maoko kana kuzora mishonga yemasanitizer.

“Tinofara zvikuru kuti gore rino takawana goho guru zvichitevera kunaya kwakanaka kwemvura nekudaro shoo iyi ichanakidza nekuti gore rapera varimi vakanga vakaomerwa zvekuti vakangoita zvekusvina-svina kuti vakwanise kuunza zviratidzwa zvavo kushoo zvichitevera nzara yakauya nekuda kwekushomeka kwemvura. Tinoda kuti varimi varime zvirimwa zvinotanda zuva kuitira kuti vakwanise kurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro Dr Matibiri.

Vanoti huwandu hwevanhu kushoo iyi huchange huchiongororwa nguva nenguva nemakamera emuchadenga (drone) kuitira kuderedza nyaya dzekuungana kwevanhu dzinova dzinoisa veruzhinji panyatwa yekutapurirana Covid-19.

“Nhandare yeshoo yose ichange ichifiritwa nemishonga yekuuraya hutachiona zuva nezuva, mangwanani nemanheru panopera shoo. Hatidi kuti vanhu vazonzi varwara mushure mekubva kushoo, saka tichange tichiita ongororo yakasimba kuti utano hwachengetedzwa.
“Tine varatidziri vari kubva kunyika dzakaita seChina, India nevamwe vachauya kushoo uye munhu wose akasununguka kuuya kana achitevedza matanho anodiwa mukurwisa Covid-19,” vanodaro Dr Matibiri.

Vanoti shoo iyi ichazarurwa zviri pamutemo nemusi wa30 Gunyana pasi pedingindira rinoti, “Hwaro Hwebudiriro . . . Ngatibatanei, Ngatishandei Pamwe, Nekutenda”.

Share This:

Sponsored Links