Kudzivirira njodzi muzvikoro

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VAKURU vezvikoro zviri muHarare nevatevedzeri vavo pamwe chete nevamwe vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muzvikoro svondo rapera vakapinda musangano wemazuva mashanu apo vakafundiswa nezvetsaona dzinogona kuvawira pamwe nevana uye nekuti dziviriro yacho inofambiswa sei (Risk Management, First Aid and Safety).

Musangano uyu wakaitirwa paGirls High, muHarare, uye wakaona vakuru vezvikoro nevatyairi vanosvika zana vachidzidziswa nezvenjodzi nenyanzvi dzakasiyana, kusanganisira veZimbabwe Red Cross Society.

Muhurukuro neKwayedza, VaChristopher Jaji – avo vanova Schools Inspector wePhysical Education and Culture – vanoti chirongwa ichi chiri kutsigirwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari nechinangwa chekudzivirira tsaona zhinji idzo dzinogona kuwira vana nevarairidzi.

“Takatarisa semuenzaniso, tsaona yedutumupengo raive nemvura yakawandisa – Tropical Cyclone Idai – iyo yakaitika kudunhu reManicaland munguva yadarika, vana nevarairidzi vakayeredzwa nekuti vakanga vasina kuwaniswa ruzivo rwekuti zvii zvavangaita munguva yetsaona dzakadai. Ndicho chikonzero bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari rakaona kuti panoda dzidziso kuitira kuti chiitiko cherudzi urwu chikadzokorodza zvekare, pasava nekurasika kweupenyu kwakanyanya.

“Tinoda kuti zvikoro zvigare zviine ruzivo maringe nemamiriro ekunze (early warning) kuti kana rwuchinge rwashambadzwa nenyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze, zvikoro zvive zvakagadzirira kuti vanhu vangaendeswa kupi kana kuti vangahwanda pai,” vanodaro VaJaji.

Vanoti zvinhu zvinogona kutoshamisa kuti mune zvimwe zvikoro, musuwo unofanira kunge uchishandiswa nevana kana vari mukirasi kuti vange vachitiza njodzi (fire escape) uri kutogara wakakiiwa inova njodzi huru.

“Dzimwe dzenguva vana havatozivi kuti musiwo wekutizira nawo uri nechepapi. Zvikoro ndizvo zvinochengeta vana munguva zhinji pane kudzimba, saka ruzivo maringe netsaona rwunofanira kukushwa kuvachengeti vavo kuitira kuti vana vachengetedzeke,” vanodaro VaJaji.

VaDzikamai Mandaza, vanova research officer kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, vanotiwo vakuru vezvikoro vanofanira kuwaniswa ruzivo rwekudzivirira njodzi.

“Pane mamwe maruva anodyarwa muzvikoro akaita seElephant Flower, heji imwe inokuvadza maziso nemamwe maruva anoburitsa uturu hunogona kuuraya vana nevashandi. Saka zvikoro hazvifanirwe kungodyara maruva nekuti akanaka pasina kuita ongororo yekuti haana uturu hunozokuvadza kana kuuraya here.

“Dziviriro yakakosha zvikuru nekuti munotogona kushamisika kunzwa kuti vana vepachikoro chakati vapera kubooka maziso vanhu vofunga kuti kuroyiwa nyambisirwa miti inenge yakadyarwapo ine uturu hunopofomadza,” vanodaro.

Vanoti chirongwa cheFirst Aid chinofanira kufundiswa muzvikoro kuvana nevarairidzi.

VaMandaza vanoti kunyuka kwezvirwere zvakadai semanyoka echolera kana typhoid idambudziko guru rinogona kuwira zvikoro pakava nekurasikirwa neupenyu sezvo muri imo munoswera muine huwandu hwevana vanenge vari panzvimbo imwechete.

“Zvikoro zvedu zvizhinji hazvina mvura yakakwana inoenderana nehuwandu hwevashandi nevana. Tinoda zvibhorani zvakakwana uye mvura inoshandiswamo inofanira kutanga yaendeswa kumarabhoritari kuti inovhenekwa yoonekwa kuti yakakodzera kuti inge ichinwiwa nevanhu here,” vanodaro.

Chirongwa chekudzivirira njodzi muzvikoro ichi, vanodaro VaMandaza, chinofanira kuiswa mugwaro redzidzo kuti mwana wose agoziva nezvacho.

VaMandaza vanoti vari kutarisira kuti chirongwa chemhando iyi chinge chichitekeshera kune mamwe matunhu enyika.

VaBilliard Mandavala vanova nyanzvi inofundisa (trainer) kusangano reZimbabwe Red Cross Society vanoti chirongwa ichi ndechechitatu apo vari kupakurira vakuru vezvikoro nzira dzekudzivirira nekurwisa tsaona muzvikoro.

“Hatidi kuti vabereki vange vachitya kana vana vari muzvikoro, tinoda kuti vazive kuti vana vanenge vari mumawoko akanaka uye vanokwanisa kubatsirwa panguva yetsaona.

“Tsaona dzinogona kuitika mukutamba nhabvu, kumhanya kana mumigwagwa, ndiko kusaka tiri kudzidzisawo vatyairi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoziva kuti kazhinji mutyairi webhazi revana ndiye anenge akasunga bhandi vana vasina saka kana vachinge vapona mutsaona paawa rekutanga rakakosha reupenyu kuti munhu abatsirikane apo vanenge vakamirira amburenzi. Vanokwanisa kuita (First Aid) zvinova zvinobatsira kuchengetedza upenyu hwevana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links