Kudzora ndangariro

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

neZimpapers Knowledge Centre

Varamba kuita muswe

(Kwayedza, 28 Chikumi 1985)

MADZIMAI ari kuMelfort Training Centre, kunzira yokuenda kwaMutare vari kuita zvishamiso.

Vakadzi ava vave kudzidzira kuveza zvinhu zvakaita sezvigaro, masherefu, makabati nematafura.

Deputy Director wepo, VaGravor Mupfumbi, vanoti vakaona zvakakodzera kuti madzimai nevasikana vadzidziswe kuveza nokuti ndivo vanoswera padzimba uye, vachiita mabasa akawanda.

Vanoenderera mberi vachiti madzimai anosiiwa kumisha, madzibaba vachienda kunoshanda kumadhorobha vachizoshaya munhu wokuvavezera zvinhu zvavanenge vachida.

“Sekuona kwandakaita, vakadzi vanokwanisa kubata basa iri nokukurumidza nokuti vane shungu yokuita zvinoita varume,” vanodaro VaMupfumbi.

Mumwe mudzimai, Mai Tabetha Zvodini, vanobva kwaMutare vanoti vari kufara nezvavari kuita uye vane tarisiro yokunodzidzisa mamwe madzimai kana vadzokera.

“Tinoda chaizvo kuita zvemaCo-operative nokuti kana tikashanda takawanda tinopana mazano akasiyana-siyana,” vanodaro mai Zvodini.

Madzimai aya akatopedza kuveza makitchen unit zvokuti akatonaka kudarika ayo anowanikwa muzvitoro.

“Makitchen units aya ari kuita $180, mamwe $280,” vanodaro Cde Mupfumbi.

 

Zvidzidzo zvesvondo rino:

Basa rakasikwa richinzi nderemudzimai chete nderokutakura pamuviri nokuzvara vana, vanosanganisira varume vanozoona kunge madzimai vasina zvavanoziva.

Nhasi uno, Zimbabwe yatekeshera nevanhukadzi vane ruzivo; madzimai anobata mabasa aimbonzi anoitwa navanhurume chete, kusanganisira madzimai ari kutyaira ndege nokutungamirira mumakambani makuru nemapazi eHurumende.

Kunyange zvazvo vamwe vachida kuti kodzero dzemadzimai — akafunda neasina dzimbunyikidzwe — shanduko yaveko yokuti mikana pakati pavanhurume navanhukadzi ienzane, inotionesa kuti hapachisina kudzokera shure.

Hoko mashoko akanyorwa nanyanduri J.C. Kumbirai mudetembo rake “Tungamirai vakadzi veAfrica” achiti: “Tungamirai nyika vakadzi veAfrica/Sungirirai vana kumusana mufambe/Dare rorupenyu norufaro zvino rarira/Wasara mushure wasarira rufu . . .”

 

 Muri kuita tsvagurudzo dzenhoroondo here? Huyai kuZimpapers Knowledge Centre, Herald House.

Nhare: +263 8677 004323; +263 0242 795771

Tsamba mbozha: [email protected]

Share This:

Sponsored Links