Kudzora ndangariro

05 Mar, 2020 - 11:03 0 Views

Kwayedza

neZimpapers Knowledge Centre

Varume vonyepera rufu vachida mari yechema

(Kwayedza, 8 Chikunguru 1988)

Varume vaviri vainyepera vamwe vavanosevenza navo kuti vafirwa nehama dzavo

vachipihwa mari yechema nokubvu- midzwa kuti vasauye kubasa asi vachibhadharwa, vakatarisana nokurasikirwa nemabasa avo.

Varume avo vatisingakwanisi kuburitsa mazita avo nekuti nyaya yacho yave mumaoko mevemutemo vari kushanda pane imwe kambani iri muHarare.

Mumwe wacho akapihwa Z$122 yechema nevamwe vashandi kuti anoviga amai vake avo aiti vafa asi ivo vasina kufa.

Mumwe ndiye wekuti mwanakomana wake ane makore gumi afa ndokubva apihwa Z$114 nevamwe vaanoshanda navo.

Kunze kwekupihwa mari iyi, vashandi vaviri ava vakapihwa mazuva maviri nekambani ekuti vanoviga hama dzavo. Kambani yakavabhadhara mazuva avakange vasipo aya.

Murume wekutanga akazivikanwa kuti akange anyepa nezvekufa kwaamai vake apo mumwe waaishanda naye uye vachigara vese kumusha akaenda kuruzevha pakupera kwesvondo ndokunosangana naamai ava ndiye akazoudza vamwe vashandi kuti amai vainzi vakafa vapenyu.

Varume vaviri ava vange vachishanda mudepartment rimwe chete.

ZVIDZIDZO ZVESVONDO RINO

• Pane vamwe vasina ganda kumeso. Kwavari, kutaura kuti hama yashaya kana kuti inorwara, iye ari mutano haisi nyaya, nokuti vanoziva kuti rufu rwavanotamba narwo rwunoremera vamwe, zvokuti vanochema newe vachikupa mari yechema.

• Asika, gone ana gone wakewo. Paunofunga kuti uchadya zvemahara uri pamutambarakede, usingaendi kubasa, ndopaunobva wangobatwa sembavha yemakoko.

• Zvino kubira vashandirwi nemhando iyoyi, zvoreva kuti ukasaenda kujeri, unongowana chitupa chave pahwindo, mari yavo vachiidawo. Vazhinji vari kutamba urovha nemhaka yekunyeba, asi mwedzi wapera, vove ndivo vari pamberi kuda kutambira zvakashandwa nevamwe.

• Zvimwe tingatambe nazvo, asi kwete rufu, nokuti inzira yemunhu wese. Unotogona kuenda kwamupfiga nebwe uri munzira kuenda kumafaro nemari yechema.

Muri kuita tsvagurudzo dzenhoroondo here?

Huyai kuZimpapers Knowledge Cen- tre, Herald House.

Nhare: +263 8677 004323; +263 0242 795771

Tsamba mbozha: [email protected]

Share This:

Sponsored Links