Kudzora ndangariro

12 Mar, 2020 - 14:03 0 Views

Kwayedza

neZimpapers Knowledge Centre

Vakapa tsotsi imba yokurara, $250, ndokuriperekedza

(Kwayedza, 29 Chikunguru – 4 Nyamavhuvhu 1988)

Mumwe murume nemukadzi vanoroja pane imwe imba kuUnit K, kuChitungwiza, vakatambwa yakasadharara nerimwe tsotsi, iro rakavanyepera kuti mutyairi wemarori anoenda kunze kwenyika ndokuripa $250 vachiti vanotengerwa zvinhu zvavaida kuBotswana.

Murume anoroja nemukadzi uyu akasangana netsotsi iri mubhawa reChidochevanhu, kwakare kuChitungwiza.

Murume uyu aitaura nevamwe vaainwa navo doro nezvekumusha kwake. Tsotsi iri rakanzwa zvose izvi rikabva radavirirawo munyaya iyi sezvo raizivawo zvekumusha kwaitaurwa nezvako nemurume uyu.

Tsotsi iri rakabva rabvunza murume uya nezveko vachibva vatanga kunwidzana doro, kuitana mwana wokumusha.

Tsotsi iri rakabva raudza murume uya kuti rakanga rabva kumusha ikoko musi iwoyo asi rakanoshaya munhu waraida.

Mushure mokunwa doro murume uyu akabva akoka tsotsi iri kumba kwaanoroja achiti awana hama yokumusha asingazive kuti itsotsi remakoko.

Vasvika kumba, murume uyu akabva apfimbira tsotsi iri mumwe mukadzi anorojawo pamba apa uyo asina murume.

Tsotsi iri rakabva rararapo rikaudza mukadzi uya kuti mutyairi wemarori anoenda kunze kwenyika kwakaita sokuZaire nokuBotswana rikati mangwana acho manheru raitoenda kuBotswana.

Mukadzi anzwa izvi, akabva ati awana munhu waaitsvaga nemeso matsvuku kuti anomuunzira zvinhu zvokuBotswana.

Mukadzi uyu akazoudza murume uya wokuuya netsotsi iri nyaya, vaviri ava vachibva vaunganidza $250 ndokupa tsotsi riya kuti rinovatengera zvinhu zvavaida.

Ava mangwana vatatu vakakwira bhazi kuenda kudhorobha kunoratidzwa pabasa petsotsi riya, tsotsi iri richitobhadharirwa mari yebhazi ratyorera $250 muhomwe.

Vasvika kuLight Industry, vakaburuka bhazi ndokuenda pane imwe kambani pakanga pakamira marori tsotsi riya richibva rasiya murume nemukadzi vari pagedhi ropinda mukati richiti rainoburitsa rori rake.

Vaviri ava vakamirira vakaneta kusvikira vabvunza mupurisa wepagedhi nezvemurume uyu. Vakazopinzwa mukati ndokuonana nemukuru wevashandi ndokumuudza nezvemurume uyu.

Mukuru wepakambani iyi akavaudza kuti pakange pasina mushandi akadaro uye motokari dzavo hadziende kunze kwenyika. Vaviri ava vakabva vaneta apo vakazoratidzwa mumwe musuwo unobuda nepakambani iyi, uyo wakanzi unofungidzirwa kuti ndiwo wakabuda netsotsi iri.

ZVIDZIDZO ZVESVONDO RINO

◆ Kuvimbana chinhu chakanaka, asi kana ukatambwa yakapenga sezvizvi, ndopaunonzwa vamwe vave kuti ndinosva ndasiya munhu ari mudambudziko, nokuti anenge asingazivi kuti akarongerwei.

◆ Mazuva ano haasi okungovimba nemunhu, nokuti chitsotsi chacho chanyanya. Kana mari chaiyo, unopihwa zvidhuura, iye onodya dikita rako.

◆ Pane nzira dzokuferefeta nadzo kuti uone kuti munhu ari pachokwadi here kana kwete. Kungonzwa zvemhiri, mwoyo ngairege kuita semapepabhegi anoda zvinhu, mopedzisira mave kuridza mhere.

Muri kuita tsvagurudzo dzenhoroondo here? Huyai kuZimpapers Knowledge Centre, Herald House.

Nhare: +263 8677 004323; +263 0242 795771

Tsambambozha: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>