Kudzora ndangariro

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

neZimpapers Knowledge Centre
Akarooreswa guva achibva akandwa muchitokisi

(Kwayedza, 15-21 Chikunguru, 1988)

 

MUMWE murume ane mabhizimusi muHarare akakandwa muchitokisi achipomerwa mhosva yokuponda mukadzi wake uyo waaigara naye asina kuroora.

Chitunha chomukadzi uyu chisati chavigwa, murume uyu akabvisiswa roora nevabereki vake iye ari muchitokisi.

Rufu rwomukadzi uyu, rwakaziviswa kumapurisa nomusi wa1 Chikumi nemurume wacho achiti akasvikowana mudzimai akafa apo aibva kubasa.

Pakazoongororwa chitunha chomufi nachiremba nomusi wa4 Chikumi, zvakaonekwa kuti mukadzi uyu ainge afa nokurohwa nechinhu chakaomarara kunge nyundo.

Izvi zvakabva zvaita kuti vabereki vomufi vati vaida murume womukadzi uyu kuti aroore guva vasati vamuviga.

Murume uyu seshoroma, akabvisa mari yeroora ari mumaoko emapurisa asi achiramba mhosva yokuponda mukadzi wake.

Akatanga kupomera mukadzi wake waakaramba kuti ndiye aiva aponda mufi kana kuti akatuma matsotsi kuti amuponde pamusana peshanje.

Pakaferefetwa kwenyaya iyi, zvakaonekwa kuti mukadzi akarambwa nomurume uyu akanga aswera pabasa musi wafa mufi.

Pakavawo nezvapupu zvokubasa kwake zvakapupura kuti basa romukadzi uyu haraimupa mukana wokufamba sezvo aiva mukoti pane chimwe chipatara muHarare.

Pakaongororwa kwechitunha chomufi zvakaonekwa kuti pamuviri pomufi paiva nechiratidzo chokuti murume uyu akanga ambobata muchakabvu.

Zvakaonekwawo kuti sutu yakange yakapfeka murume uyu musi wafa mukadzi wake yakanga yakamwauka-mwauka, zvairatidza kuti pakambova nokukakatana nomukadzi asati afa.

Pasutu paivewo neropa iro rakaonekwa kuti raiva romufi. Mushure mokunge zvose zvawanikwa zvajekeserwa kumurume uyu, akazobvuma kuti ndiye akanga aponda mufi.

Akati izvi zvakaitika nepamusana pokuti mukadzi uyu aimubira mari achitumira kuhama dzake.

Akati semunhu aiita mari kubhizimusi rake, aipota achiuya nemari yakawanda kumba asi imwe yacho yaitorwa nemukadzi achitumira kuhama dzake.

Akati mumwe musi akabata tsamba yakanga iine $700 iyo yaitumirwa nemukadzi kuvabereki vake.

Murume akabvuma mhosva akabva atenherwa muchitokisi umo maari kumirira kutongwa nemhosva yokuponda.

ZVIDZIDZO ZVESVONDO RINO

  • Mhirizhonga mudzimba dziri kuramba dzichiita kuti vana vasare dzave nherera, mumwe mubereki ave mujeri, mumwe aenda kwamupfiganebwe.
  • Mitongo yokuponda ngaiomeswe zvakanyanya, kuitira kuti vanofunga kuti upenyu hwemunhu hunenge hwehuku, varege kuzozviita.
  • Mubvunzo mukuru ndewokuti: Sei vabereki vemadzimai anoshaika sezvizvi vachimirira kuzodya pfuma iye ashaya? Kubva zuva raakashaikwa pamusha kusvika pakufa kwake, vaifunga kuti ari kupi? Chii chinofadza pakudya pfuma yemufi?

 

Muri kuita tsvagurudzo dzenhoroondo here?

Huyai kuZimpapers Knowledge Centre, Herald House.

Nhare: +263 8677 004323; +263 0242 795771

Tsamba mbozha: [email protected] <mailto:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links