Kudzora ndangariro

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

neZimpapers Knowledge Centre
Chenji yanetsa kuKambuzuma
(Kwayedza, 21 Chikumi 1985)
VANHU vanonwa hwahwa mumabhawa ari murukisheni rweKambuzuma, muHarare, vari kunyunyuta. Vanoti vari kubirwa mari nemacashier emumabhawa eko.

Cde Enos Muchaneta anogara kuSection 5 anoti macashier eko vanoti kana ukavapa mari yakabatana, vanokuchinja isina kukwana.

“Ukangobva papombi yehwahwa chete usati wabvunza mari yako wobva waziva kuti mari yako yatorova. Izvi zviri kuitirwa vanhu vazhinji muTapedza Beerhall,” vanodaro Cde Muchaneta.

Umwe munwi wehwahwa asina kuda kutaura zita rake anoti dzimwe nguva macashier acho vanopa vanotenga hwahwa chenji ine ma“cents” akawanda zvekuti apo unoverenga mari iyi vanobva vati: “Next”.

Apo Kwayedza yakabvunza veCity Marketing maererano nenyaya iyi, Cde Mukarati, deputy manager weDivision iyi anoti izvi zvinhu zvinogara zvichiitika, asi zvichagadziriswa kana zvazivikanwa.

“Vanhu vanofanira kutanga vatinyorera isu nokuti nyaya yakadai inofanira kutanga kuongororwa isati yaendeswa kune vemapepanhau.”

Vanoti City Marketing yaive nemabhawa 117 muguta rose reHarare.
Kuwanda kwemabhawa uku kwareva kuti paive nemamwe mabhawa anotyora mutemo ivo vasina ruzivo nazvo.

Zvidzidzo zvesvondo rino:
Chinokura chinokotama, musoro wegudo chave chinokoro. City Marketing yave kunzi Rufaro Marketing yakamboita mbiri nemabhawa, akatozombopfuura 117, asi nhasi dzave ngano. Zvinhu zvinoda ongororo, zvizivikanwe kuti chirongwa chaiitisa kanzuru mari yekuvaka makiriniki nezvikoro mumisha inogara vazhinji chakaparara sei. Mabhawa aive nembiri nhasi ave zvuru zvakapinda nyoka.
Huori hwatekeshera mumakambani nemamwe mapazi eHurumende, hwakagara huriko. Vanwi vehwahwa vaibirwa chenji, vatengesi vachifunga kuti vararadza, asi ivo vaizviona vakanyunyuta.
Misha mitsva inogara ruzhinji iri kuvakwa mazuva ano yave nedambudziko rezvikoro, makiriniki nenzvimbo dzokutandarira, nokuti basa raiitwa neRufaro Marketing rakavhiringwa. Kanzuru haina kuona zvakainakira mberi.

Muri kuita tsvagurudzo dzenhoroondo here?
Huyai kuZimpapers Knowledge Centre paHerald House, muHarare.
Nhare: +263 8677 004323; +263 0242 795771
Tsambambozha: [email protected] <mailto:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links