Uncategorized

Kuenda kuchimbuzi kwava kudhura

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Kuenda kuchimbuzi kwava kudhura VaDenford Mutashu

Kwayedza

Daphne Machiri
MAZUVA ano mitengo yezvinhu zvakasiyana iri kugara ichingokwira zvisina tsarukano izvo zviri kusiya vatengi vari panguva yakaoma zvikuru uye chimwe chezvinhu zvakwira mutengo zvakanyanya mapepa ematishu ayo mune zvimwe zvitoro ava kutengeswa $350 ari 18.

Izvi zvinoreva kuti “roll” imwe chete yematishu yava kuita $19,44.

Yekungoendesa kuchimbuzi bedzi!

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo mune zvimwe zvitoro zviri muguta reHarare ndokuona kuti matishu ava kudhura zvikuru kana zvichenzaniswa nemutengo waiimbotengwa nawo pakutanga kwegore rino apo mamwe aitengeswa $$10 ari mana zvichisiyana nemhando yacho.

Pari zvino, mune zvimwe zvitoro matishu ari kutengeswa ne$350 papakiti rimwe chete.

Dzimwewo mhando dzematishu dziri kutengeswa nemari iri pakati pe$31 kusvika $81,85 apo anenge ari mana.

Mutungamiri wesangano rinomirira vane zvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu, vanoti kutengwa kwematishu muzvitoro kwaderera zvikuru nekuda kwekudhura kwaari kuita.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vave kushandisa dzimwe nzira pavanoenda kuchimbuzi.

“Kare zvaiendeka kutenga matishu, asi iye zvino zvaoma. Isu mukutaurawo neveruzhinji apo taiitawo ongororo, vanoti havachazvikwanise, kunyanya kumaruva uko vamwe vanoti vave kushandisa zvakaita semashizha nemapepa kuzvimbuzi,” vanodaro VaMutashu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mumataundi ndimo mune vanhu vakawanda vanoshandisa matishu nekuda kwemamiriro ezvimbuzi zvemo. Kune vamwe vave kutenga matishu asina kusimba ayo ari kubva kunze kwekunyika.”

Kwayedza resvondo rapera rakaburitsa imwe nyaya yepadzimba dzekunodaidzwa kuti “Kumahositeri”, kuChitungwiza, uko vagari veko vava nechipo chemakore mashanu vasina zvimbuzi zvinosevenza.

Mutauriri wekanzuru yeko, VaLovemore Meya — vachipindura mibvunzo yeKwayedza kuti sei kanzuru iri kusiya izvi zvichiitika sezvo zvichiisa utanho hweveruzhinji panjodzi — vanoti zvimbuzi izvi zvakavharika nekuda kwekuti vanhu vemudzimba idzi vanoshandisa maguri kana matombo panzvimbo yematishu.

Share This:

Sponsored Links