Kuenda kupi ndisina foni yangu?

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
MUMWE musikana akati afa, ndokuenda kudenga. Akasvika pasuwo guru rekudenga akawana paina Peter. Musikana akatanga kukwenya mhuno nekasiyanwa achiti dai akangosiiwa achipinda mudenga rine maruva akanaka pane kuenda kudivi raaiona richipwititika hutsi, uye kuchizhamba vanhu.

Musikana akada kuti agadzirise weave yake kuti inyatsodhingura, asi akarohwa nehana achinzwa musoro wake usisina weave yemari zhinji. Makanga masara vhudzi rake raakakura achikama neAfro-kamu.

Akanzwa kupera simba. Aida weave yake nekuti ndiyo yaiita kuti vamwe vanhu varasike kuti aive munhu mutema wekuMhandamabwe, kwaChivi uko here, kana kuti aive kaBarbie Doll.

Akabva ati kana weave yaramba kushanda, rega ndinhonge step ne6-inch gogo dzaifamba dzichigogodza pasi kunge pachati pindai.

Paakasimudza tsoka, akashamisika kuona kuti akanga asisina 6-inch gogo yake yaiita kuti vamwe vamuti Lady Gaga. Asi akanzwa pasi paaitsika pakapfava kunge ari kufamba pamusoro pemachira esirika.

Ipapo ndipo paakazoona kuti zvinhu zvizhinji zvaimupa swag ari pasi zvakanga zvasara. Akanga asisina nzara refu-refu dzekunamira. Kana handbag rake reLouis Vuiton akanga asisina. Make-up nematsiye akareba kunge mitsvairo mitsva pakanga pasisina.

Akabva agumbata kunge nyoka iri kutsvaga makumbo ayo. Akatura befu refu rinenge muti wemupuranga.

Peter akati, “Ko zvaita sei mwanangu?” Musikana akati, “Handisisina zvese zvandanga ndinazvo. Handizive kuti zvaenda kupi. Kana foni yangu handisi kuiona.”

Akatanga kutenderera achitarisa-tarisa kwese kwese, asi haana kuona foni yaaitsvaga. Akabva ati, “Manje hapana kwandingaende kana ndisina foni yangu. Hazviite. Ndiko kunonzi kurasikirwa kunokunda kufirwa uku. Foni yangu i-touch screen uye yakandidhurira zvikuru.”

Peter akazunza musoro wake zvekunzwa tsitsi achibva ati, “Kana wati hapana kwaungaende usina foni yako, rega ndikudzosere pasi panyika umbonotsvaga foni yako.”

Musikana uye akangoerekana adzoka panyika, asi aive mumota yakanga yaita tsaona. Pane vanhu vakanga vakaungana panze vachirwisa kuti vaburitse vanhu vaive vatsikirirwa mukati. Paakatarisa mukati kuti aone kana vamwe vaakanga anavo mumota vakanga vari vapenyu, akabva aona rimwe gumbo rake ratyoka zvekuti rakanga rakarembera pabendekete pake nebhutsu yaro 6-inch gogo tsvuku yemari zhinji.

Musikana uye akaridza mhere yekutya. Akabva anzwa vanhu vachiti, mune munhu mupenyu mumota umu, ngatimuburitse mota isati yabvira moto. Paakacheukira kurutivi rwevanhu vaida kumuburitsa, akabva aona musoro wake neweave nemakeup yakazara ropa wakadambuka uri padheshibhodhi yemota. Akabva angofa.

Neniwo ndakaita tsaona svondo nhatu dzadarika, uye ndinotenda Mwari nemukana wekurarama kuti ndinge ndichitaura nemi kudai. Tsaona dzakanaka nekuti dzinotirangaridza kuti nyama inokuvara, uye mabhonzo anotyoka nemota dzichiparara.

Ndave kupora zvangu kubva patsaona, asi ndakadzidza chinhu chitsva. Zvave kunetsa kuparadzanisa munhu nefoni yake.

Patakaita tsaona, takanonoka kuendeswa kuchipatara nekuti pakati pedu pane munhu akanga achiramba kubva pakanga paitikira tsaona asina foni yake. Aka hakasi kekutanga ndichisangana nenyaya yevanhu vari kuramba kuparadzaniswa nefoni dzavo.

Mwedzi wakapera, sekuru vangu vakaita tsaona mota ikaparara. Pavakaburitswa mumota vanhu vachiti inogona kutsva, ivo vakadzokera mumota imomo. Yakaita hondo kuti vazoburitswa nekuti vaiti havangaende kuchipatara vasina foni yavo.

Ini ndiri kuti, handingafe ndisina Jesu nekuti handidi kuenda kuGehena!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey