Uncategorized

Kuenzaniswa kwekodzero muwanano

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

By Geraldine Kabaya
BUMBIRO remutemo wenyika rinoenzanisa kodzero dzevanhukadzi nevanhurume mumagariro emunharaunda pamwe nemuwanano.

Imwe yembambo dzinoumba bumbiro remutemo iri inyaya yewanano zvichienderana nekodzero dzinopihwa vanhurume nevanhukadzi.

Nekuda kwemamiriro ezvinhu akadai aya, pane zvinotarisirwa panyaya yewanano zvakadai semakore ekuti munhu ange achiroorwa kana kuroora, kodzero yekubvuma kana kuramba wanano uye nekurambidzwa kwekuroorana pakati pevanhurume kana vanhukadzi voga.

Chinyorwa chino chichatsanangura kodzero dzemuwanano nechinangwa chekuda kuenzanisa mikana pamwe nekubvisa nyaya dzerusarura.

Bumbiro remutemo wenyika rinopa kodzero dzinotevera:

Kodzero dzakafanana dzekupinda muwanano:

Vose varume nevakadzi vanotenderwa kuti vapinde muwanano. Zvisinei, kodzero iyi ine painogumira. Hazvitenderwe kuti varume voga kana kuti vakadzi voga varoorane.

Pamusoro pezvo, mutemo hautendere kuroorana kwemukomana nemusikana vane makore ari pasi pe18 okuberekwa.

Wanano inokwaniswa kunyoreswa zviri pamutemo kuburikidza nemuchato weMarriage Act [Chapter 5:11] kana Customary Marriages Act [Chapter 5:07].

Kunyoreswa zviri pamutemo kwewanano kunoita kuti pave nekuchengetedzwa kwemurume nemukadzi panguva iyo vanenge vari muwanano nepavanozorambana kana kuti panofa mumwe wavo.

Kupinda muwanano nemunhu waunonda pasina kumanikidzwa:

Vose varume nevakadzi pavanosvika makore 18 okuberekwa vane kodzero yekusarudza wavanoda kuroorana naye.

Mutemo hautendere tsika dzakadai sekumanikidza munhu kuti apinde muwanano kana kuti kuripisa munhukadzi ngozi.

Kodzero yakafanana yekuve mwene wemudziyo panguva yewanano nepanoparadzwa muchato:

Izvi zvinongoreva kuti vari muwanano vane kodzero dzakafanana panyaya yekuve mwene wemudziyo, kuushandisa nezvimwe zvakasiyana.

MuZimbabwe, wanano inotorwa kunzi inenge iri “community of property” zvichireva kuti midziyo inenge yakawanikwa nguva yewanano haingonzi ndeyevaviri vanenge vakawanana.

Murume nemukadzi vanosungirwa kunyoresa midziyo yavo zviri pamutemo kunze kwekunge vawirirana kuti ndeyavo vose.

Kana wanano ichinge yaguma nekuda kwerufu, mutemo unochengetedza anenge asara ari mupenyu uye panenge paine gwara rinotevedzwa mukugovewa kwemidziyo iyi kana nyakufa akange asina kunyora wiri (will).

Kodzero dzakafanana pamwe nezvimwe zvekuita sevabereki zviri maringe nevana:

Izvi zvinoreva kodzero dzakafanana munyaya dzakadai sekureva mendenenzi nekuchengetwa kwevana.

Zvakakosha ndezvekuti kodzero dzevana dzinge dzichisusikidzwa pamberi pezvose.

Share This:

Sponsored Links