Uncategorized

Kuenzaniswa kwemikana nebumbiro remutemo

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Fourie Revai
KUENZANISWA kwemikana takatarisana nesangano reWorld Health Organisation (WHO) kunoreva kusiyana kwakaita varume nevakadzi apo vanopihwa mabasa akasiyana nekuda kwemasikirwo avo uye maonerwo avanoitwa munharaunda.

Kuenzaniswa kwemikana kunoreva kugoverwa zvakaenzana kwezvekushandisa nemikana pakati pemadzimai nevarume vachipinda munyaya dzebudiriro yenyika, mukupawo pfungwa dzavo nekurarama.

Kunoreva zvakare kuti munhu wese anofanira kuremekedzwa nekupihwa chiremerera muupenyu.

Mugore ra2013, Zimbabwe yakapasisa bumbiro remutemo (Constitution of Zimbabwe Amendment (No.20) Act) iro rinotaura zvinhu zvakawanda maringe nekuenzaniswa kwemikana.

Section 2 yebumbiro remutemo inotaura kuti imhosva kuita imwe tsika kana hunhu hunodzikisira zvinhu zviri mubumbiro remutemo.

Munhu wose — kusanganisira Hurumende nemapazi ayo — vanosungirwa kutevedza nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume mumipande yose.

Bumbiro remutemo rinorwira kodzero dzevanhu nekuenzaniswa kwemikana pasina kutarisa kuti munhu uyu murume here kana kuti mudzimai.

Rinotarisa zvakare kodzero dzemunhu wose — angava akwegura, vechidiki kana vana. Hurumende inofanira kutsigira kuenzaniswa kwemikana nenzira dzose.

Chikamu chepiri chebumbiro remutemo chinotaura nezvekukosha kwekodzero uye rusununguko.

Munhu wose anenge atyorerwa kodzero dzake ane kodzero yekuenda kumatare edzimhosva kuti dzizadzikiswe.

Bumbiro remutemo rinotaura nezvekodzero dzekuenzaniswa kwemikana nekubviswa kwenyaya dzerusarura.

Varume nemadzimai vane kodzero dzekubatwa zvakanaka uye zvakaenzanirana munyaya dzezvematongerwo enyika, upfumi kana tsika nemagariro.

Pamusoro peizvi, hakuna munhu muZimbabwe anofanira kusarudzwa nekuda kwekuti murume kana kuti mukadzi, kuti akaroorwa here kana kuti haana, nekuda kwepamuviri nezvimwe.

Kana iri nyaya yewanano, hakuna munhu anofanira kumanikidzirwa kupinda muwanano yaanenge asingade sezvinoitwa nevamwe vanhu vari munharaunda.

Kana pari panyaya dzezvemabasa, madzimai nevarume vane kodzero yekuenzaniswa kwemikana nekutambirawo mari yakaenzana uye madzimai ane kodzero yekuenda kuzororo remateneti kwemwedzi mitatu.

Bumbiro remutemo rinoenderera mberi nekutaura nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume nekutsigirwa kwakanyanya kwekodzero dzemadzimai.

Zviri kunharaunda kuti ione kuti yazadzikisa izvi. Kodzero dzemadzimai dzinotaurwa pachikamu chetatu chebumbiro remutemo senzira yekujekesa mashandisirwo anoitwa kodzero.

Zvichienzaniswa nemutemo wekare, bumbiro remutemo idzva rinopawo madzimai kodzero dzekuti vange vachiva vachengeti vevana. Pasati pava nemutemo uyu, varume bedzi ndivo vaiva nekodzero dzekuchengeta vana.

Kutsigirwa kwekuenzaniswa kwemikana kunopinda munyaya dzesarudzo dzemutungamiriri wenyika nemaseneta pachionekwa kuti madzimai nevarume vari kuwaniswa mikana yakaenzana yekukwikwidza musarudzo idzi.

Mudare reParamende, zvigaro 60 zvakachengeterwa madzimai senzira yekuona kuti vakawanda vavo vapinda muzvirongwa zvine chekuita nehutungamiriri hwekuronga mazano munyaya dzezvematongerwo enyika.

Zvimwe zvakakosha ndezvekuti bumbiro remutemo rione kuti paumbwa komisheni yeGender Commission iyo inoona kuti nyaya dzezvekuenzaniswa kwemikana dziri kufambiswa zvakanaka munyika.

 

 

*Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva, munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata panhare dzinoti +263242 708491 kana +2630242 706676.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>