Kufunganya chimbori chii?

02 Sep, 2024 - 11:09 0 Views
Kufunganya chimbori chii? Tafadzwa Meki

Utano hwepfungwa naTafadzwa Meki

Pane nguva yekuti unogona kungotanga kufunga zvinhu mumusoro mako, wega zvako. Zvinhu zviya zvinozotanga kutoita kunge chokwadi, zvotanga kuita sokuti uri kutorarama nazvo kana kuti zvakatoitika.

Iyi pachirungu vanoiti “anxiety”.

Mugore ra2020 zvakaoneka kuti vanhu vanosvika mamirioni 284 pasi rose vari kugara vachifunganya.
Kufunganya kunogona kukonzerwa nezvakawanda zvatinosangana nazvo mukurarama. Izvi zvinosanganisira kurwarirwa,

kurwara, kufirwa, kushaya mari, kushaya chikafu chekudya, uyewo nekusaziva kuti ramangwana rinenge rakajeka here.

Izvi zvinhu zvinokwanisa kuunza kufunganya kunozosvika pakutadzisa munhu kutoenderera mberi neupenyu zvichida nekufunga kuti ‘saka ini handina chandinogona’, kana kufunga kuti ‘upenyu hwangu hauna kukosha’.

Tinogona kuona pfungwa idzi sedzisina maturo uye dzinokwanisa kukurumidza kungopera dzoga asi dzimweni dzenguva, kubudikidza nekuomerwa kunenge kwakaita munhu, pfungwa idzi dzinoramba dziripo dzichizokonzeresa mamwe matambudziko anenge kufungisisa kana kuda kutora upenyu hwako uye kuzvikuvadza kana kukuvadza vamwe vari pedyo newe. Pane dzimwe nguva musoro unogona kutotema, kana kutura befu kakawanda, hana kurova uye kutobuda ziya kana kutemwa nemusoro.

Zvese izvi zvinogona kukonzereswa nekufunganya kwakanyanyisa.

Kazhinji patinosangana nevanhu vanotaura kuti vari kusangana nedambudziko rakadai tinogona kuona seutera, kana kuzviitisa, kuyema, kutsvaga kuda kungopepwa nekunzwirwa tsitsi kana hunyope. Kutozoti kana ari murume afungisisa, zvinobva zvatonzi murume uyu haana kusimba, haana hushingi, murume haafanirwi kupererwa.

Uye dzimwe dzenguva tinowanikwa tichizopedzisira topanga mazano anenge asina rubatsiro rwunoenda mberi.

Chatinofanorwa kuziva ndechekuti, kune hurwere hunotangira mupfungwa hunokwanisa kupedzwa nekuwana rubatsiro kubva kunana mazvikokota vezvepfungwa.

Dzimweni dzenguva hapadi mapiritsi asi kuwana rubatsiro rwekukwanisa kubva mukufungidzira kuti pane zvinogona kuda kuitika zvakaipa kana zvingakukuvadza nekukusuwisa muupenyu hwako.

Paunenge uri panguva dzekufunga zvakadai unenge usisakwanise kusandura mafungiro aya asi kutogara uchirarama semunhu ari kutya.

Chakaipira kusawana rubatsuro rwuzere kubva kune vanoona zveutano hwepfungwa inyaya yokuti unogona kuwana wava munhu anomwa mapiritsi emusoro kasingaperi, iwo musoro wacho usinganyarari kurwadza.

Pamwe pacho zvinozosakisa kutadza kugarisana nevamwe zvakanaka, kudzingwa basa, uye kushaya hanya neupenyu.

Kushaya ruzivo chinhu chakaoma uye chinokuvadza. Nekuda kwekuti nhaurirano yeutano kana kusavepo kweutano hwepfungwa haiwanzoitika mudzimba, zvasakisa kuti zviite kunge zvinhu zvinosvodesa kutaura nezvazvo. Anenge azotanga kutaura vazhinji vanobva vati hazviko zvinhu zvakadaro.

Zvakakosha kuwana ruzivo rwakakwana maererano nenyaya dzekufunganya.

Paunenge waona seuri kufunganya, kana kungovhunduka zvisina tsarukano, zvichikutadzisa kuita mabasa akasiyana-siyana, zvakakosha kutsvaga rubatsiro rwuzere. Wega unokwanisawo kuzvikurudzira kuita zvinogona kuderedza mafungiro aya.

Izvi zvinosanganisira, kutwasanudza nyama kubudikidza nekumhanya, kufamba netsoka uchiongorora zviri kungoitika munharaunda, kuendawo kumafuramhepo, kugeza nemvura inotonhora, kudya zvinovaka muviri nekuedza kurara nguva iripo.

Ngatitorei nyaya dzeutano hwepfungwa nehukoshwa hwadzinokodzera. Kufunganya kukaenderera kunozokonzera dambudziko rakakurisisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey