Kugadzirira mwaka neSeed Co

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Kugadzirira mwaka neSeed Co

Kwayedza

naOmega Chigwanda
VARIMI vari kukurudzirwa kutanga gadziriro dzemwaka wekurima wa2020-2021 uye kuti vashandise nzira yekurima inonzi Pfumvudza.

Kurima kwemhando iyi kwakanaka chose sezvo kuchibatsira mukusavhiringidza ivhu, kuchengetedza hunyoro sezvo pachishandiswa huswa, mashanga kana murakwani uyo unowaridzwa pakati pemitsara yezvirimwa.

Marimiro aya anobatsira zvekare kudzora kana kuderedza hukasha hwekusanduka kwemamiriro ekunze.

Mai Chapu vekwaChiendambuya vachidyara chibage chePfumvudza, vari mumunda wechibage uye vamire pagoho ravo.

Munguva ino yemwedzi waChikumi naChikungura, varimi vanotarisirwa kutanga kuunganidza huswa hwavo, murakwani kana mashanga voachengetedza pakanaka uye pasingabatiri moto kana kuparadzwa nezvipfuyo. Kuunganidza huswa nguva ino kwakanakira kuti murimi anokwanisa kukohwa uswa hwake motomupengo usati watanga.

Chimwezve chingaitwe nemurimi panguva ino kuchera makomba pandima yavo yePfumvudza.

Ndima iyi inenge yakakura mamita 39 hurefu nemamwe mamita 16 apo panoshandiswa spacing ye75cm ne60cm zvobva zvatipa mitsara inokwana 52.

Mutsara mumwe namumwe unenge uine makomba 28 tozodyara mbeu nhatu, asi pavhiki repiri mbesa dzamera tinotarisirwa kuzodzura imwe mbesa tosara nemadzinde maviri mugomba rimwe chete. Izvi zvinoreva kuti mutsara mumwe chate unenge uine madzinde 56.

Zvakaongororwa zvikaonekwa kuti mutsara mumwe chete unokwanisa kugutsa mhuri ine vanhu vatanhatu kwevhiki rimwechete, zvoreva kuti pamitsara yedu 52, mhuri ine vanhu vatanhatu inoguta kwegore rose sezvo tiine mavhiki makumi mashanu nemaviri (52) mugore.

Izvi kana tikakwanisa kuzviita zvinoreva kuti mhuri imwe neimwe inenge yaguta, matunhu oguta, nyika yose yoguta.

Mukukurukura nemurimi wekwaChiendambuya anonzi Mai Chapu, vanoti ivo vakarima mbeu yeSC 727, SC 649 vachishandisa mutowo wePfumvudza chibage chavo chikaita zvakanaka chose.

Panguva yakamboenda mvura, chibage chavo chaiita sechinodiridzirwa nekuti huswa nemurakwani zvakanga zvakawaridzwa zvaiita kuti hunyoro kana kuti mutota uchengeteke, uye zvakaderedza hukasha hwesora izvo zvinova zvakakonzera kuti vave negoho rakanaka chose.

Vanokurudzirawo vamwe varimi muWard 5 kuti varimewo nenzira yakanaka kudai.

Kurima kwakanaka, nembeu yakanaka zvinoita kuti tirwisane nedambudziko renzara zvekare nerekushanduka kwemamiriro ekunze.

Varimi vanokurudzirwa zvekare kuti vatenge zvikwanisiro zvavo zvakaita sembeu nemafetereza munguva ino zvinova zvinoratidza kurongeka kwemurimi.

Share This:

Sponsored Links