Kugadzirira mwaka wekurima

17 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Kugadzirira mwaka wekurima PaZishiri Farm kuBeatrice vachigadzirira mwaka wekurima apo vaisanganisa lime nevhu

Kwayedza

Torai Mutseka
IKO zvino varimi vakawanda vapedza kukohwa zvirimwa zvavo muminda, vava mubishi rekutengesa kumisika inosanganisira Grain Marketing Board (GMB) kana chiri chibage kana mapfunde.

Varimi vefodya vari kutengesawo kumisika yefodya.

Ino inguva yekutiwo varimi vatange kugadzirira mwaka watakatarisana nawo.

Chinhu chekutanga chakakosha pakugadzirira mwaka kutorwa kwevhu kuti rinoongororwa navanamazvikokota vevhu. Chekutanga varimi vanofanira kutora ivhu ronoogorowa kuti rinotapira kana kuvava zvakadii. Rinoongororwawo kuti rine kudya kwakadii.

Ino ndiyo nguva yekuisa lime mumunda

Kana mamiriro evhu asina kuita zvakanaka, sekuti riri kuvava, murimi anogadzirisa nekushandisa lime (dolomitic kana calcitic lime) zvichienderana nekuti vanamazvikokota vevhu vati murimi ashandise mhando ipi.

Kuongororwa kwevhu kunobatsira kuti murimi azive kuti anoisa mhando ipi yefetereza uyezve kuti anoisa huwandu hwakadii.

Ivhu rinotorwa sei?

Varimi vanotsvaga rubatsiro kubva kuvarimisi vari pedyo navo, asi chakakosha ndechekuti munda unopatsanurwa muzvikamu zvichienderana nemhando yevhu. Chikamu chega chega chemunda chinofanirwa kunge chinevhu rakafanana.

Muchikamu chega chega chemunda munotorwa ivhu munzvimbo dzakasiyana dzinoita gumi kusvika muzvikamu makumi vaviri, ivhu richitorwa zvakadzika 20cm. Ivhu iri rinosanganiswa kwozopimwa tsapo imwechete inorema 1kg.

Ivhu rinoiswa mupepa rekhaki ponyorwa zita remurimi, runhare rwemurimi, zita repurazi, zuva rakotorwa ivhu nechirimwa chinoda kuzorimwa.

Kune nzvimbo dzakawanda dzinoongorora ivhu dzinosanganisira makambani efetireza, kumaUniversity nekubhazi reHurumende reDepartment of Specialist Services – Soil Chemistry Laboratories.

Paongoro yakaitwa pakaonekwa kuti mavhu mazhinji emuZimbabwe anovava saka anotoda lime. Chikero chekuvava kana kutapira kwevhu chinobva pa0 kusvika pa14.

Kana chikero chiri pasi pe6, ivhu rinenge richivava kana chiri pamusoro pe7 rinenge richitapira.

Chikero che7 chinoreva kuti ivhu riri pakati nepakati pekuvava nekutapira.

Lime inoiswa mwedzi mitatu chirimwa chisati chadyarwa kuitira kuti iwane nguva nekugadzirisa ivhu. Lime inogona kumwaiwa nemawoko kana kumwaiwa nemushini welime spreader, yosanganiswa nevhu kuchishandiswa harrow.

Kana ivhu richivava zvinoita kuti kudya kusatorwe zvakanaka nezvirimwa, sephosphorus haikwanise kutorwa zvizere. Kuvava kwevhu kunoita kuti tumbuyu twakakosha (serhizobium musoyabeans) turi muvhu tusashanda nemazvo.

Goho remurimi rinotangira pakugadzirira kwake zvakana. Kutora ivhu chikamu chakakosha mukugadzirira mwaka. Varimi ngatiitei chikamu chedu nguva iripo.

Torai Mutseka murimisi kuSeed Co uye anobatika panhare dzinoti 0772926813

Share This:

Sponsored Links