Kugocha nyama yenguruve

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Kugocha nyama yenguruve Sadza nenyama yenguruve

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU
NYAMA yenguruve ine kudya kunovaka muviri semapuroteni ayo akakosha kuutano hwemunhu.

Svondo rino Mai Eurita Tope vekwaRusape vanotsanangudza mamwe mabikirwo enyama yenguruve.

Zvinodiwa:

Nyama yenguruve, pekugochera (braai stand) pakachena, marasha, munyu, mhiripiri, garlic, hanyanisi nemafuta.

Mabikiro:

Vesa moto wemarasha panzvimbo yekugochera.

Mwaya munyu nemasipaisi aunoda panyama.

Isa pekugochera. Ramba uchipindura kusvikira yaibva uye izvi zvingatora maminitsi makumi maviri.

Wozodii?

Kana yaibva, isa parutivi ubike muto wematomatisi, hanyanisi negarlic.

Isa mafuta mashoma nemunyu wosiya zvichikwata kwemaminitsi mashanu.

Kana zvadai, chibura udye nemhuri. Nyama yenguruve inogona kudyiwa nesadza jena, rezviyo, kana remhunga.

 . Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti 263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links