Kugocha nyama yetoki

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Kugocha nyama yetoki Nyama yetoki yakagochwa

Kwayedza

NYAMA yetoki mudya ndakasungwa chaiwo uye haingokaringwa bedzi mupoto asi kuti inogona kuitwa zvekugochwa kuitira kuti idyiwe isina mafuta akawanda.

Svondo rino Samuel Dara wekuGwanda anotsanangudza mamwe magocherwo enyama iyi.
Zvinodiwa:

Nyama yetoki, munyu, masipaisi, mhiripiri, pekugochera nyama (braai stand) resimbi kana dara rekugadzira nemiti midiki.
Magochero:

Isa marasha paunoda kugochera. Ita kuti marasha apise kana kuti mavhunze asare akatsvuka.

Zora masipaisi nemunyu panyama yauri kuda kugocha.

Isa padara rekugochera, siya yakadaro idonhe mafuta ose.

Kana yatsvukira, pindura kusvika yaibva.

Wakasununguka kudya nehama neshamwari muchipemberera zororo reKisimusi neGoredzva. Unogonawo kurunga nemhiripiri yaunoda.

Nyama yetoki yakagochwa inogona kudyiwa nechero sadza — ringava jena, rezviyo, remhunga kana kuti yakadaro.
Usakanganwa kuchekerera twumagaka parutivi kuitira kuti useredzere pakudya.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links