Kugona ngozi kuiripa bedzi

31 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya yemusikana ane makore 20 okuberekwa uyo ari kuti anetswa nemweya wengozi yemurume waakanyepera kuti akamubata chibharo asi iye akabhinywa nababa vake.

Musikana uyu anoti akabatwa chibharo nababa vake vekumubereka, asi iye ndokuzofurirwa nevemhuri kuti anyepere kuti akabhinywa nemumwewo murume aigara mubhuku rimwechete navo kumusha kwavo.

Murume uyu anonzi akazofa mushure mekurwara ari mutirongo apo akange asungwa achipomerwa mhosva yekuti akabata chibharo asi iye asina.

Zvino mweya wengozi yemurume uyu unonzi wave kuuya kumusikana uyu uchiti vakamuurairei uye anoda kuripwa.

Svondo rapera pamberi, Kwayedza yakaburitsa zvakare imwe nyaya yemweya wengozi yemunhukadzi uri kupisa semoto kwaMangwende, kwaMurehwa, uchiti mukadzi uyu akafa nekupondwa nechikomba chake, icho chakazorara nechitunha chake senzira yekutsipika.

Mudzimai wekupondwa uyu ainge akaroorwa asi aine zvikomba, kusanganisira chekuzomuponda.

Zvinonzi ngozi iyi yave kuda kuripwa, ichirondedzera zvakaitika pakupondwa kwemudzimai uyu nechikomba icho chinonzi chakazoshinha nechitunha.

Nguva yadarika zvakare, Kwayedza yakaburitsa imwe nyaya yengozi yekuGokwe iyo iri kuti inoda kuripwa nenzou 50 nemwanasikana pamusoro.

Mweya wengozi uyu unonzi ndewemukomana akapondwa nevamwe vakadzi vanoita basa rekutengesa miviri yavo, avo vakazotora mitezo pamuviri wake vachibatsirana nemumwe muzvinhabhizimisi weko.

Mitezo iyi inonzi yakazoshandiswa nemishonga senzira yekuchekeresa kuti bhizimisi ribudirire.

Kubva munyaya nhatu dziri pamusoro pengozi idzi, zviri pachena kuti mushonga wengozi kuiripa.

Kune vamwe vanozama nepose pavanogona kutsipika kana kutora mamwe matanho ekuti vasaripe ngozi, asi izvi zvinokona n’anga murapwa achida.

Kubvira kare, vakuru vaigara vachitaura kuti ngozi inopedza dzinza uye mushonga wacho kutoiripa.

Kune vamwe zvakare vanopotera kudzin’anga nekumachechi vachiedza kutiza mweya wengozi inenge ichibhebha mumisha yavo, asi hapana zvazvinobatsira.

Kazhinji, ngozi ikatsipikwa inodzoka yave nehukasha hwakanyanya. Nekudaro, ngozi inongoda kuripwa.

Ropa remunhu rakakosha uye harizi rekungodeura seunodera ropa rehuku.

Vanhu vanofanira kukoshesa upenyu hwevamwe.

Chinorwadza panyaya yengozi ndechekuti inotambudza munhu wose wemudzinza rine munhu anenge akaponda, isinganangane nemuridzi wayo bedzi.

Nhasi uno kune mhuri dziri kushungurudzwa nemweya yengozi dzakaparwa nemadzitateguru.

Mazuvaano, kusiyana nakare, hazvichatenderwa kuti vanhu varipe ngozi nemunhu asi nedzimwe nzira dzakadai sekubvisa mombe.

Asi, chikuru pane zvose ndechekuti vanhu ngavarege kupara ngozi kuburikidza nekukoshesa upenyu hwevamwe nekuti anenge aipara asikira mhuri moto muziso.

Share This:

Sponsored Links