Kuiswa mupaper bag segrocery raSatani

25 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
KUNZE uko kune varume vakawanda vari kushaya vakadzi vekuroora, vagovachengeta, nekunyatsovada nekuvabvundira kudarika mari yemurimi wefodya. Chokwadi murume angasungirire mukadzi wake pamuti, uku akamusunga mawoko nemakumbo achimurova nekuti anoti anoroya uye haachamuda?

Kana usisamude ingomuramba aende, kwete kumubata senhapwa kudaro. Asi achingoenda chete, uchaona kuti kune mumwewo murume akasvika, acharoora mukadzi iyeye akamuda zvese nyama nemuto.

Takanzwazve kuti mumwe murume ari kupengera kuti mukadzi wake ari kuramba kuti imbwa dzake dzemudzimu dzirare navo mumba mavanorara. Chasara kuti mukadzi iyeye apote achipfugama nekuombera achibvunza imbwa idzi kuti dzarara sei.

Vakadzi vane nhamo chokwadi! Hongu nyangwe vamwe vakadzi vachizopusa saJesca Depute wekubvuma kuitwa mukadzi nababamunini vake vaakanga ashanyira ndokuzopihwa $20, tinongoona kuti varume tinotora vakadzi sezvinhu zvinotengeka nekutengeseka.

Asi ukaona murume otengesa mukadzi wake senyaya yekwaChivero, kuMhondoro, pane charirova zizi harife nemhepo. Nyaya yekuMhondoro iyi haina kujeka, uye VaMapupu vanofanira kunyatsotiudza zvakazara, nekuti mukadzi haatengeswe, iye agobvuma kuenda kune waakatengeserwa. Inga wani mbudzi yatengeswa inotosadharara ichiramba kufamba kuenda kune aitenga.

Murume wekutengeserwa mukadzi wemuridzi anonzi mupostori wekumasowe. Hakuna tsvina yakadaro pazvinhu zvaMwari nekuti Mwari vanoti, “Ivai vatsvene nekuti ini ndiri mutsvene.” VaMapupu vakada kutsvagisisa vanogona kutonzwa nyaya dzakawanda dzaMadzibaba Bensaviour nevakadzi vevanhu kumasowe kwavo ikoko.

Nyaya iyi ine chekuita nekuora kwaita hunhu hwedu mazuva ano, uye ndinofara kuti Mambo Chivero vakatonga zvakanaka pavakadzinga nhubu idzi mudunhu ravo.

Bhaibheri rinoti, “Asi zvino ndinonyora kwamuri kuti musafambidzana naani zvake anozviti ihama asi ari mhombwe, kana kuti ano ruchiva, anonamata zvifananidzo, kana kuti chidhakwa kana gororo. Munhu akadaro musatombodya naye.”

Madzibaba ava nemumwe mupostori wavakatengeserana naye mukadzi ihembe dziri mubhegi raSatani. Vanhu vanoda zvinhu, mari nenyama yakaora.

Ndizvo zvinondipa kuti ndibvunze kuti nhai iwe shamwari, uri kuonawo here zvandiri kuona? Hupenyu hwedu nehukama hwedu hwangove ihwohwu hwezvinhu. Mari, doro, bonde, weave, make-up, mipfuhwira, mangoma, chipfambi nehumbavha. Vanhu havachaona munhu, asi vanoona zvinofadza nyama zviri pamunhu.

Ruchiva ndirwo rwatsiva nzvimbo yemaziso. Izvozvo ndizvowo zvave kuita kuti kana kupfeka kwevakadzi vazhinji kuite kunge vari kutengesa. Kupfeka kwekutengesa kunochipisa munhukadzi nekuti kunotaurira vanhu kuti ndakachipa.

Asika, nyaya yekuda zvinhu, yekutenga nekutengesa zvinhu, yekuda mari nenyama inoratidza kuti vanhu havaone kuti vari kushandiswa nyangwe zvazvo ivo vachifunga kuti vari kushandisa.

Jesu anobvunza kuti zvichagobatsireiko kana munhu achinge awana zvinhu zvese asi orasikirwa nehupenyu hwake?

Panzvimbo yekuti vanhu vatarise rudo sechinhu chinoyera chakaitwa naMwari, vanhu vanotora rudo sehembe dzavanochinjanisa. Asi kana ukachinjanisa mukadzi wako nemari, kana kupa babamunini bonde zvinoreva kuti hausisiri munhu, asi wave chinhu. Vanokuona vanoona chinhu chakachipa chinogona kutengeka. Unenge wangofanana nemabhanana ari pamusika akamirira kutengwa kuti amenywe, adyiwe.

Ngatirege kuiswa mupaper bag segrocery raSatani. Ichokwadi imwe weave inodhura, inotaura kuti munhu uyu ndewemari zhinji kana kuti haasi wemhanga-mhanga, asi hakuna mari nyangwe yakawanda sei inogona kutenga munhu nekuti munhu haasi chinhu, akasikwa nemufananidzo waMwari.

Share This:

Sponsored Links