Kuita chisahwira naMwari bodo!

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Kuita chisahwira naMwari bodo!

Kwayedza

MAZUVA ano kune machechi akawanda ayo ari kungonyuka apo vamwe vanhu vari kupedzisira vave kuzviti ndivo anaJesu kana kuti “Mwari” mbune.

Izvi zvinoita kuti veruzhinji vabve vazvishairwa shumo yazvo. Kuti “tumwari” utwu twuri kubva nepi uye chinangwa ndechei?.

Semuenzaniso, svondo rapera Kwayedza yakaburitsa nyaya yemumwe mudzimai anogara kwaChivero, kuMhondoro, uyo ari kuzviti mudzimai waJesu.

Asika, munhoroondo yemuBhaibheri Jesu Kristu mwanakomana waMwari haana kumbobvira aita mudzimai.

Ko uyu wotonzwa nhasi uno ndeupi? Chake chitendero rudzii? Jesu waanoreva ndiye here anozivikanwa nevakawanda? Zvichida ane wake oga “Jesu”?

Izvi zvinounza mibvunzo yose yakawanda iyi nekuti zviri kurehwa nemukadzi uyu hazviwanzotaurwa. Vamwe vari kuti ijee rake kana kuti zvichida pfungwa dzake “dzinombonyimana moto”.

Sekutaura kwemudzimai uyu, anoti murume wake akatomugova kuti aroore hake mumwe mukadzi uye midziyo yake akagovera zvakare kuhama dzake.

Nguva yadarika, pane mumwewo murume wemuHarare uyo anotungamirira imwe chechi anozvitiwo ndiye “mwari”.

Murume uyu ane vanhu vakawanda vari kutomutevera uye vachitotenda zvose zvaanotaura.

MuHarare zvakare, mumwe murume anonzi Talent Madungwe, anoti iye akaenda kudenga kaviri achinoita misangano naMwari mbune. Kana ndimiwo vaverengi . . .!

Zvose izvi zvinopesana nemashoko ari muBhaibheri ekuti hakuna munhu anokwanisa kuoonana naMwari chiso nechiso agozorarama.

Asi Madungwe ari kutodya sadza pano pasi kutaura kuno.

Kunyangwe Moses chaiye paakakumbira kuona chiso chaMwari apo vakazviratidza kwaari ari munyika yeEgypt, Mwari vakamuudza kuti hazvaiita kuti aone chiso chavo agozorarama.

Saka kana Madungwe achiti akaenda kudenga akanotaura naMwari – kwete kamwe chete, asi kaviri – anenge achizama kuda kudini?

Sekunge izvi zvishoma, kune mamwezve “prophet” anoti anotaura naMwari panhare kana kuti pafoni yake.

Vanhu vototenda zvakadaro? Kutaura naMwari chaiye panhare? Imika imi!

Makore adarika, kune mumwe musikana wekuGuruve, kuMashonaland Central, uyo aizviti ndiye Jesu.

Asi nhasi uno hapana anoziva kuti zvakazoenda nepi kunze kwekunzwa kuti akatizira kumumwe murume uyo waava kutogara naye.

Kutevera vanhu vakadai zvakangofanana nekudzingana nemhepo bedzi nekuti hapana kunosvikwa.

Nyaya inorwadza ndeyekuti vose vari kuzviti vanaJesu kana Mwari vari kunyengedza vanhu vanenge vachivatevera avo vanotenda zvose zvavanotaura.

Bhaibheri rinotaura pachena kuti nemazuva ekupedzisira kuchauya maporofita enhema kusanganisira vamwe vanenge vachizviti ndivo anaJesu kana kuti Mwari.

Hapanai kumhura Mwari kunodarika uku uye Jehovha havarege kuzorova vanhu vakadai neshamhu yavo mukufamba kwenguva kana vanhu ivava vakasatendeuka kubva mukutadza kwavo.

Kana munhu akatadzira mumwe, anokwanisa kuyananiswa kuburikidza nemumwe munhuwo.

Zvino kana munhu akamhura kana kutadzira Mwari, anomuyananisa ndiani?

Vanhu ngavatambe nezvimwe zvinhu kwete kutamba nezita raMwari.

Zvakakoshawo kuti veruzhinji vasangotevera vakuru vemachechi kana kuti vose vari kunyuka vachizviti maporofita nekuti vakawanda vacho vanovapinza mugomba rakadzika iro vasingazokwanisa kubudamo.

Mwari vanotsvaga vanomunamata mumweya nemuzvokwadi, kwete kutsvaga mbiri yechitsiga chehutsi isina kwainosvika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey