Kukanga madora zvemandorokwati

20 Jul, 2022 - 11:07 0 Views
Kukanga madora zvemandorokwati Madora

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU
naMuchaneta Chimuka

MADORA kudya kune utano sezvo tichiwana mapuroteni akawanda kubva maari uye anotora nguva refu asati ashata.
Svondo rino tiri kukangirwa madora naSarudzai Mawonde wekuBuhera.
Zvinodiwa:
Madora, munyu, mafuta, hanyanisi nematomatisi
Mabikiro:
Fashaidza mvura yakati wandei wonyika madora imomo.
Izvi zvinoitirwa kuti apfave nekuti abve tsvina yose.
Mushure memaminitsi gumi, chinyurura madora wochiageza kusvika achena.
Isa mafuta mupani wokanda madora uchiakanga.
Kanda munyu wakaringana, kana atsvukira wochekerera hanyanisi.
Chekerera matomatisi ukande wokanga zvekare.
Wozodii?
Kana zvaibva, chibura hako udye nemhuri.
Madora anodyiwa nesadza, mupunga, macaroni kana kuadya akadaro.
Unogona kuadya zvekare uri parwendo nekuti haakurumidzi kushata.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links