Kukanga nyama yehwai

19 Nov, 2020 - 16:11 0 Views
Kukanga nyama yehwai Nyama yeHwai

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAMA yehwai inonaka zvikuru kana ichinge yakaringwa zvemhando yepamusoro.
Svondo rino Memory Mutandiri wekuMarondera anotsanangura mamwe mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:
Chikari, poto kana pani, nyama yehwai, hanyanisi, matomatisi, matapiri, makerotsi, munyu nemafuta.

Mabikiro:
Tora nyama wocheka muzvidimbu zvaunoda.
Chipara makerotsi, matapiri nekucheka zvakanaka wochisuka matomatisi nehanyanisi nekucheka zvose.
Chigadza chikari, poto kana pani pamoto woisa mafuta mashoma, kana apisa tora nyama woisa imomo.
Chikanga kusvika zvatsvukira, wozoisa hanyanisi nematomatisi wombokanga kwemaminitsi gumi nemashanu.
Chiisa matapiri, makerotsi wokwidibira zvombokwata kweawa imwe chete uchipindura-pindura kuti zvisatsve.
Pamhidzira mvura yokutsvaga muto.
Nyama yehwai inogona kudyiwa nesadza rezviyo, rechibage, remhunga kana nemupunga.
Munozodei?
Uku ndiko kudya chaiko kunovaka muviri!

 

Share This:

Sponsored Links