Kukaringa nyama yehwai

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Kukaringa nyama yehwai Nyama yehwai

Kwayedza

NYAMA yehwai inonaka zvikuru kana ichinge yakaringwa zvemhando yepamusoro.

Svondo rino Memory Mutandiri wekuMarondera anotsanangudza mamwe mabikirwo eusavi uhu.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, nyama yehwai, hanyanisi, matomatisi, matapiri, makerotsi, munyu nemafuta.

Mabikiro:

Tora nyama woicheka kuita muzvidimbu.

Chipara makerotsi, matapiri nekuzvicheka zvakanaka wochisuka matomatisi nehanyanisi nekuzvicheka.

Chigadza chikari, poto kana pani pamoto woisa mafuta mashoma uye kana apisa wochiisa nyama imomo.

Kanga kusvika zvatsvukira, wozoisa hanyanisi nematomatisi wombokanga kwemaminitsi gumi nemashanu.

Chiisa matapiri, makerotsi wokwidibira zvombokwata kweawa rimwe chete uchipindura-pindura kuti zvisatsve.

Pamhidzira mvura yokutsvaga muto.

Nyama yehwai inogona kudyiwa nesadza rezviyo, rechibage, remhunga kana nemupunga.

Munozodei? Uku ndiko kudya chaiko kunovaka muviri!

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino kunhare dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links