Kukaringa usavi hwebhinzi

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Kukaringa usavi hwebhinzi Bhinzi usavi hwamandorokwati

Kwayedza

BHINZI kudya kunopa mapuroteni uye kuri nyore kubika.

Svondo rino tiri kukaringirwa bhinzi naSusan Munemo wekuChiredzi, kuMasvingo.

Zvinodiwa:

Bhinzi rakaomeswa, hanyanisi, matomatisi, chikari, pani, munyu, mafuta, mvura yakachena.

Mabikiro:

Rara wakanyika bhinzi mumvura kuti dzipfave nekuzokasika kuibva uye senzira yekuchengetedza magetsi, huni kana gasi.

Nyurura bhinzi mumvura wodziisa muchikari kana mupoto wodira mvura yakawanda.

Dzikwatise kusvika dzaibva uchiwedzera mvura.

Kana dzaibva, tora pani uise mafuta akaringana.

Chekerera hanyanisi wokanga, wozochekerera matomatisi ekuti ugadzire muto.

Kanda munyu wakaringana, woisa bhinzi imomo.

Pindura zvisangane wosiya dziine muto wakakorerera.

Bhinzi dzinodyiwa nechero sadza – rechibage, rezviyo, remhunga, remapfunde kana nemupunga.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey