Kukohwewa kwechibage chemadiridziro kwotanga

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Kukohwewa kwechibage chemadiridziro kwotanga VARIMI vakawanda vemudunhu reMashonaland Central vakatotanga kukohwa chibage chakarimwa nemadiridziro pakutanga kwemwaka wezhizha wa2019/2020.

Kwayedza

VARIMI vakawanda vemudunhu reMashonaland Central vakatotanga kukohwa chibage chakarimwa nemadiridziro pakutanga kwemwaka wezhizha wa2019/2020.

Zvisinei, Zimbabwe National Farmers’ Union chief executive officer VaEdward Dune vanoti panguva iyo vamwe varimi vari mushishi yekukohwa zvirimwa zvavo, mamiriro akaita nyaya dzechikafu kune mamwe matunhu enyika akadai seMatabeleland haana kunaka.

“Varimi vakawanda vakashandisa madiridziro kudyara chibage chavo pari zvino vave kukohwa.

“Goho racho riri kutaridza kuve rakanaka kuchikamu chekumusoro chenyika (Mashonaland Central) asi kumatunhu ari kuchamhembe mamiriro ezvinhu haana kunaka zvekusvika padanho rekuti varimi vanoda kutobatsirwa nechikafu.

“Kune avo vari kukohwa, kukwira kwemari yevashandi kuri kushungurudza zvikuru. Vamwe varimi vakatomanikidzwa kuti vabhadhare mari yakawanda kuitira kuti varambe vaine vashandi vavo,” vanodaro VaDune.

Hurumende nguva pfupi yadarika yakawedzera mari yemutengo wechibage kuenda pa$6 958 patani imwechete, kubva pa$1 400 uye mitengo yezvimwe zvirimwa zvinosanganisira zviyo nemhunga wakaenda pa$7 260, kubva pa$6 958.

Mitengo mitsva iyi ine chinagwa chekukurudzira varimi kuti vaendese zvirimwa zvavo kudura guru renyika reGrain Marketing Board (GMB), izvo zvinobatsira kuti munyika mune nechikafu.

Zimbabwe Commercial Farmers’ Union (ZCFU) president VaShadreck Makombe vanoti kunyangwe zvazvo varimi vakagamuchira mitengo mitsva yezvirimwa iyi, vaitarisira kuti kudai yakakwira kudarika yakatarwa.  – Sunday Mail

Share This:

Sponsored Links