Kukosha kwema‘field day’. . . makuwerere paChikurubi Prison Farm

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
Kukosha kwema‘field day’. . . makuwerere paChikurubi Prison Farm VaKazembe Maocha vekuSeed Co vachitaura nevarimi pamusoro pembeu dzakasiyana

Kwayedza

Wendy Madzura naKazembe Maocha
ZVIRONGWA zvekuratidzira mabasa ekurima (mafield day) zvakakosha zvikuru kuvarimi nekuti zvinovapa mukana wekudzidza kuburikidza nekuona zvakanaka zvinenge zvaitwa nevamwe varimi.

Zvinopazve mikana kuvarimi yekuti vadzidze kubva kunanamazvikokota vembesa maringe nekusarudza mbeu zvine hungwaru.

Zvekare, varimi vanowana mazano anovabatsira kuti varime zvinokwidza goho. Kana varimi vakwidza goho ravanowana pandima, izvi zvinoitawo kuti vawane pundutso pabasa ravo rekurima.

Akanga ari makuwerere paChikurubi Prison Farm musi wa29 Kubvumbi apo varimi vakaungana kubva kumativi ose edunhu reMashonaland East kuti vanoona kugona kurima kwaitwa papurazi iri.

Purazi iri rakarimwa chibage pandima inokwana mahekita 115 (115ha) chembeu yeSC 719, SC 608 (yellow), SC 513 nemahekita 13 (13ha) esoya beans SC Serenade.

Varimi vaive pamutambo uyu vakagutsa meso nembesa idzi pavakanomema kumunda. Varimi, kuzvionera kunokunda zvose. Nokudaro zvakakosha kuenda kunenge kuchiratidzirwa seizvi munharaunda yamunogara nokuti uku ndiko kwamunodzidza kurima zvine pundutso kubva kune vamwe varimi nevarimisi.

Varimisi veSeed Co vakatsanangurira varimi maringe nekukosha kwekuziva zvekucherechedza pakusarudza mbeu zvinoti:

1) kukura nokureba kwechibage (good cob length & size).

2) kuwanda kwemitsara (high row number),

3) kukura kwenzvimbo ine tsanga pamuguri kudarika nzvimbo ine muguri (high shelling out percentage). Varimisi vakatyora muguri we chibage ndokuratidza varimi kuti tsanga dzainge dziine nzvimbo yakakura kudarika muguri.

Varimisi vakatsanangura kukosha kwekurima mbesa zvakanaka kumunda (good agronomic practices) pamwe nekuita kuti ivhu riongororwe rigozivikanwa kuvava kana kutapira kwaro izvo zvinobatsira kuziva huwandu hwemafetireza anodiwa, uye kuchengetedza mbesa kubva kutwumbuyu nekuparadza sora mumunda.

Varimi vakapihwa yambiro yakasimba maringe nekusarudza mbeu zvine hungwaru uye kuti vatenge mbeu kuzvitoro zvakavimbika.

Mukokwa mukuru, VaMugwisi, vakapa mashoko ekukurudzira kuvarimi pamusoro pekurima zvine pundutso. Vakataura nyaya yekukosha kwemadiridziro maringe nekushanduka kwaita mwaka. Vakazokurudzira varimi kusarudza mbeu nehungwaru vachirangarira kuti kurima ibhizimusi.

Mukuru weChikurubi Prison Farm (Officer-In-Charge) Superintendent Matombo vakatenda vanhu vakaungana papurazi iri. Mumashoko avo, VaMatombo vakatenda rutsigiro nemazano ekurima zvakanaka avanopihwa neSeed Co. Vakarumbidzawo Hurumende nekuunza kwayakaita chirongwa cheCommand Agriculture pamwe chete neCrop and Livestock (madhumeni) nekuvapa mbeu nemafetireza.

VaMatombo vakatenda vakabata basa rekurima papurazi iri kuburikidza nevakuru vavo, Mai Chikukwa avo vanova Principal Correctional Officer pamwechete naVaKadyamupango (Assistant Principal Correctional Officer).

Chokwadi kutaurirwa hunyimwa, varimi rangarirai kuti mitambo yemafield day iripo kuti muwane mazano anokubatsirai kuti murime zvine pundutso.

Dingindira rezuva iri raiti, “Kuti Seed Co ndokuti sadza nemuriwo”. Rangarirai kuti Seed Co iripo kuti murime zvine pundutso nguva dzose.

Mifananidzo iyi inoratidza zvimwe zvezvakaitika pamabiko aya.

 

. Vanyori venyaya ino varimisi veSeed Co uye vanobatwa panhare dzinoti:

Wendy Madzura – 0773 270 080

Kazembe Maocha – 0772 632 866

Share This:

Sponsored Links