Kukosha kwematanga etsuro akanaka

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Kukosha kwematanga etsuro akanaka Tsuro dzaive mudanga rakagadzirwa newaya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vanopfuya tsuro vokurudzirwa kuti vagadzire matanga akanaka ekudzichengetera uyewo nemakeji emhando yepamusoro zvinoita kuti dzigare dzakasununguka nechinangwa chekudzivirira zvirwere zvakasiyana-siyana.

Kurudziro iyi yakapihwa nenyanzvi munyaya dzekupfuiwa kwetsuro VaGift Jambaya avo vanonyanya kuzivikanwa nekunzi Mr Tsuro vekunzvimbo yeWestgate muguta reHarare. Vanoti kana murimi afunga zvekupfuya tsuro anofanirwa kutanga adzidza kugadzira matanga acho emhando yepamusoro uyewo nemakeji anokodzerana netsuro zvakare. 

“Tsuro kuti dziwande mumisha yenyu kunyange kumapurazi nekumwe kwese kwamunodzipfuya muri, dzinoda matanga nemakeji akanaka kwete kungoti chero wavaka. Chikuru mhando yematanga enyu inoita kuti tsuro dziwande kana kushomeka,” vanodaro.

Vanoti tsuro dzinoda matanga adzinokwanisa kutamba zvakanaka dzichisvetuka nekuhwanda dzichiwana mimvuri nekuti dzisanaiwe nemvura uyewo matanga aya ovawo neutsanana huzere.

“Pane zvinhu zvakawanda zvinokwanisa kugadziriswa matanga kana makeji etsuro zvinosanganisira waya nemapuranga uyewo mapango nemarata mukati mazvo nezvimwewo. Matanga kana makeji atinovakira tsuro anofanirwa kunge akareba kuenda mudenga zvinoita kuti tsuro inokwanisa kugara kana kumira yakaisa makumbo epamberi mudenga. Hwaro hwematanga edu kana makeji vamwe vanoisa samende kana mapuranga vamwewo voisa huswa, zvose zvinoita asi zvine matambudziko akasiyana nemhando yehwaro,” vanodaro.

VaJambaya vanoti makumbo etsuro anokwanisa kuita maronda nekuda kwehwaro hwematanga aya hwesimende chinove chirwere chinonzi pododermatitis. 

“Hwaro uhwu hunokonzerawo kuti matanga edu agare akanyorova nekuda kweweti yadzinoita zvinoita kuti mvere dzadzo dzinyorove zvokonzerawo zvirwere zvemakanda patsuro idzi,” vanodaro.

VaJambaya vanotiwo kune matanga kana kuti makeji anovakwa newaya mativi ose kusanganisira hwaro uye waya iyi inokanganisawo tsoka dzetsuro sezvo ichigumisira yadzicheka dzoita maronda.

“Zvakadai, mhando yematanga aya inopa tsuro mukana mukuru wekuwana mhepo yakanaka yekufema. Matanga ose etsuro ngaaiswe panzvimbo dzinopinda mhepo zvakanaka uye haadi nzvimbo dzinotonhora zvikuru kana kuti dzinopisa zvakanyanya,” vanodaro.

Matanga aya anonziwo haafanirwe kupinda guruva izvo zvinonzi zvinokonzera kurwara kwetsuro nechirwere chemapapu. Tsuro dzinonzi dzinoda chaedza chezuva kwete kunyanya kudziisira mwenje wemagetsi akatsaukana sezvo zvichinzi zvinokonzera kusagadzikana kwadzo.

“Matanga edu kana makeji tinofanirwa kuzviisa panzvimbo dzisina ruzha sezvo tsuro dzisingade ruzha. Matanga aya tinofanirwa kuaisa panzvimbo dziri pamusoro pasingasvikirwe nembwa kana zvimwe zvipfuyo,” vanodaro.

VaJambaya vanoti tsuro hadzifanirwe kuramba dzakavharirwa mumatanga kana mumakeji sezvo dzinoda kutamba zvikuru nekufaranuka uye nekumhanya dzichisimbisa miviri saka dzinofanirwa kumboburitswa kunze.

“Nyaya yehwaro hwematanga edu etsuro yakakosha zvikuru apo tinokurudzira kuti varimi vaise iho huswa, saw dust, hay nestraw asi hatidi kuti muise carpet inopa hunyoro hwakanyanya mudanga retsuro munoguma maita makonye,” vanodaro. 

Magumbeze zvakare vanoti haabvumidzwe mumatanga etsuro sezvo vachiti tsuro idzi dzinoadyawo.

Vanoti sezvo tsuro dzichigara dzichida kudya nguva dzose, varimi vanofanirwa kuisa zvitanda zvidiki mumatanga adzo nemumakeji izvo dzinoruma-rumawo.  VaJambaya – avo vanogadzira matanga etsuro vachitengesa – vanoti varimi vakasununguka kuenda kumakambani akasiyana anogadzira matanga etsuro nemakeji acho uko vanosarudza mhando dzinovagutsa.

Vanoti chimwe chakakosha matanga kana makeji etsuro anofanirwa kuva nenzvimbo yekuchingidzira weti inoitwa netsuro kuti ichengeteke iyo yavanoti yakakosha zvikuru kuvarimi inozoshandiswa semanyowa. 

“Nzvimbo dzekuisira kudya mumatanga edu etsuro dzakakosha nemekuisira mvura zvakare. Keji yetsuro duku inofanirwa kunge yakakura 1,8m x 0,6m, tsuro dzinotamba dzikazvirega umu,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti matanga etsuro ane hwaro hwewaya ari nyore kutsvaira pane ehwaro hwesamende. 

Share This:

Sponsored Links