Kukosha kwemazororo

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MAZORORO atinocherechedza muZimbabwe nekune dzimwe nyika ane zvaanoreva muupenyu hwevanhu. Kuona poitwa kana kupihwa zuva sezororo munyika kana pasi rose panenge paita chiitiko chinorangarirwa. Chinogona kuve chiri chakarwadza vanhu pazuva iri kana kuti chakafadza nekugadzirisa upenyu hwevanhu.

Zororo remunyika rinodzikwa nemukuru wenyika.

Tikabata pamusoro pezororo reGoredzva tikasvika muEaster tichibata mwedzi waKubvumbi. Tiri mumwedzi wakare iwoyo, muZimbabwe tinocherechedza zuva rekuzvitonga kuzere musi wa 18 Kubvumbi. Iri izuva guru muZimbabwe apo vanhu vakasunungurwa kubva mujoki rehuranda. Izvi zvakaitika musi wa18 Kubvumbi 1980 saka gore rega rega vanhu vemuZimbabwe vanocherechedza zuva iri.

Tichibva mumhemberero dzekuzvitonga kuzere, tinobva tapinda muzuva rinocherechedzwa kukosha kwavashandi pasi rose (Wokers Day) musi wa 1 Chivabvu. Pazuva iri vashandi havaende kumabasa asi kuti vanoswera vachifara nemhuri dzavo.

Musiwa 25 Chivabvu nyika dzemuAfrica dzinocherechedza zuva reAfrica apo panorangarirwa kubatana kwenyika dzemuAfrica munyaya dzezvekuzvidzivirira nezveupfumi. Zuva rakarongwa izvi raiva ra25 Chivabvu 1963 kuAddis Ababa, kuEthiopia. Mubatanidzwa uyu wakabva watumidzwa kunzi AU zvichireva African Union.

Kubva munaChivabvu tinobva tapinda muna Chikumi apo tinosangana nezuva rinocherechedzwa kunyanya muno muAfrica rinonzi zuva remwana wemuAfrica (The Day of The African Child). Zuva iri rinocherechedzwa musi wa 16 Chikumi.

Tinobva tanhanhira Nyamavhuvhu uyo unotipa mazuva maviri ekuzorora tichirangarira mauto edu uye kurangarira magamba akatisiya muhondo yeChimurenga. Magamba tinoarangarira musi wa12 Nyamavhuvhu mauto edu musi wa13.

Tabva mumazororo maviri aya tinozopinda muna Zvita umo tinocherechedza zuva remubatanidzwa wemapato maviri muZimbabwe anoti ZANU neZAPU musi wa22 Zvita.

Tinobva tapinda muKisimusi gore robva rapera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey