Uncategorized

Kukosha kwerunyararo mukurwisa Covid-19

15 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Kukosha kwerunyararo mukurwisa Covid-19 Mai Maria Ribeiro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUMIRIRI wesangano reUnited Nations muZimbabwe, Mai Maria Ribeiro vanoti chirwere cheCovid-19 chiri kukanganisa nyaya dzerunyararo munharaunda dzakasiyana kuburikidza nekuvepo kwemhirozhonga yemudzimba, rusarura nezvimwe.
Vachitaura kunhengo dzedare reParamende dzekomiti inoona nezverunyararo munyika, Mai Ribeiro vanoti nyaya dzemhirizhonga mudzimba dziri kuramba dzichiwanda munharaunda nekuda kwekuomerwa kuri kuita vanhu zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19.

“Nyaya dzemhirizhonga, rusarura, kufambiswa kwemashoko emanyepo uye kutukirirana dziri kuwanda zvikuru. Kurwisa chirwere cheCovid-19 pasi rose kunoda mushandirapamwe kuti tione kuti runyararo rwachengetedzwa,” vanodaro.
“Kubatana sevanhu vamwe tiine donzvo rimwe chete kunobatsira kuti tikunde denda reCovid-19 uye kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro zve2030 Agenda for Sustainable Development,” vanodaro.

Dingindira regore rino repasi rose reInternational Day of Peace rinoti, “Kusimukira kubva kumatambudziko tichiumba remangwana rakajeka”.

“Dingindira iri rakanangana nematambudziko akawira nyika dzose nekuda kwechirwere cheCovid-19 richitipa hwaro hwekuti tirambe takabatana mukuchirwisa kuitira kuti nyika dzive neutano hwakanaka. Izvi zvinobva mukugoverana ruzivo uye zviwanikwa, kusanganisira mishonga yekudzivirira chirwere ichi zvinova zvinoumba mweya wehumwe pakati penyika dzakasiyana.

“Zimbabwe iri kudyidzana nenyika dzakawanda nekudaro iri kuwaniswa rubatsiro rwemishonga iyi apo iyowo ichibatsirawo dzimwe nyika,” vanodaro Mai Ribeiro.

Gwaro reUnited Nations Charter, iro rakaburwa makore makumi manomwe nemasere adarika, rinotaura nezvekukosha kwerunyararo.

“Kana tichitarisa nyaya dzerunyararo, handi dzekupedza hondo dzinenge dziri pakati penyika asi kune dzimwe hondo dzinogona kuuya nenzira dzehurwere sedenda reCovid-19 nezvimwe nekudaro zvirwere izvozvi zvinogona kumutsa kusagadzikana munyika apo vanhu vanenge vachida rubatsiro semabasa, chikafu, mishonga, pekugara nerudo, pakati pezvimwe. Kana rutsigiro irworwo rwukashaikwa kana kuita rwushoma, pane mukana wekuti runyararo rwushaikwae,” vanodaro Mai Ribeiro.

Vanoti runyararo rwunoita kuti zvinhu zvose zviendeke kubvira panyaya dzeupfumi hwenyika nekugarisana zvakanaka kwevanhu munharaunda.

Share This:

Sponsored Links