Uncategorized

Kukosha kweruzivo rweCovid muvanhu

30 Dec, 2021 - 11:12 0 Views
Kukosha kweruzivo  rweCovid muvanhu Mai Loveness Mainato vachifundisa vagari vemuChiungwiza nezveCovid-19

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUBVIRA kutanga kwakaita Covid-19 munyika muno munaKurume wegore rapera, Hurumende nevatsigiri vari kuita mukomberanwa mukurwisa chirwere ichi, kunyanya nevashandi vezveutano vemunharaunda (Community Health Workers).

Vashandi ava vakawaniswa dzidziso yakasimba inosanganisira kufundisa vanhu vemunharaunda maringe nezvekukosha kwekupfeka mamasiki, kusaungana, kukurudzira kuti vanhu vanobaiwa nhomba dzeCovid-19 uye kugeza maoko nguva nenguva.

Kwayedza inokurukura nemamwe maCommunity Health Workers ari kumativi mana enyika pamusoro pebasa guru ravari kuita iri.

Mai Loveness Mainato vanova Community Health Worker kuZengeza, kuChitungwiza vari zvekare muimbi uye mutungamiriri wesangano reAlbino Charity Organisation of Zimbabwe (ALCOZ) vanoti vakadzidziswa kufundisa vanhu nezvechirwere cheCovid-19.

“Pasi pechirongwa ichi, vanhu vanosanganisira vatori venhau, masabhuku, varapi vechivanhu, vemakereke nevamwe vakawanda vakadzidziswa kuti vazofundisa veruzhinji nezvechirwere cheCovid-19 munharaunda dzavanogara,” vanodaro.

Mai Mainato vakaburitsa dambarefu rinonzi “Utsanana Ndinokuda” nedonzvo rekufundisa vanhu maringe nechirwere cheCovid-19 kuburikidza nemimhanzi.

“Zvisinei nekushomeka kwezvinodikanwa, hatisi kuzomira kuita basa redu, tiri kupinda kwese nekumaruwa ekwaSeke tichifundisa vanhu nezveCovid-19 nekuti tinoona kuti kudzivirira kwakakosha pane kurapa,” vanodaro.

Mai Mainato vanoenderera mberi vachiti, “Kumaruwa mazhinji, vanhu vakafundiswa kushandisa nzira ye’Chigubhu Gear’ chinova chigubhu chavanoisa mvura chichigara kunosvikira vanhu kuti vagogeza maoko vasati vapinda muchivanze. Vamwe vasina sipo kumamisha vanoshandisa dota mukugeza maoko avo nekuti zvakaonekwa kuti dota rinobatsira mukuuraya hutachiona kunyangwe munguva yechirwere checholera.”

Chiremba wechivanhu anove nhengo yesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA), Sekuru Peter Maponda, avo vanove mushandi wezveutano munharaunda zvakare, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vawaniswe dzidziso izere pamusoro peCovid-19.

“Ini ndakabaiwa nhomba yeCovid-19 nemhuri yangu kuti ndive mucherechedzo kunyangwe kuvanhu vandinodzidzisa. Ndinotofundisawo vamwe varapi vechivanhu kuti hakuna mudzimu unoramba kupfeka masiki nekudaro vanofanira kushopera vakatoapfeka kuti tichengetedze upenyu,” vanodaro.

Mai Chipo Bessie Mahamba vanova mutungamiriri wesangano reVana Vedu Trust rinorwira kodzero dzevana vanoti chirwere cheCovid-19 chakonzera matambudziko makukutu munharaunda.

“Covid-19 yasiya vanhu vakawanda vasisina pekutangira kunyangwe vamwe vaiita mabasa ekutengesa vava kushaya makasitoma nekuti bhizimusi racho rawandirwa sezvo munhu wose angorasikirwa nebasa anobva atanga izvozvi zvekuhodha nekutengesa,” vanodaro.

Mai Mahamba nguva pfupi yadarika vakawanawo nguva yekufamba vachigovera chikafu kumhuri dzinotambura kuChitungwiza.

“Munzvimbo yeChitungwiza maita dambudziko rekushomeka kwevanhu vari kubaiwa nhomba yeCovid-19 saka kuburikidza nemashoko atinovaparidzira ayo ari kuitwa nemaCommunity Health Workers, tiri kuona vakawanda vave kutora danho iri zvinova zviri kubatsira mukuderedza ndufu uye kuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links