Kukudza vabereki zvinorevei?

21 Jun, 2014 - 19:06 0 Views

Kwayedza

MUSI weSvondo, Chikumi 15 kune vamwe vakacherechedza zuva rinoyeukwa nokupembedzwa vana baba, reFather’s Day, vachiitirwa zvidavado nevana vavo. Mwedzi wapfuura musi waChivabvu 11 raivewo zuva raana amai, reMother’s Day. Father’s Day yakazoteverwawo nezuva reYouth Day, zuva rinopembedzwa vechidiki nemusi waChikumi 16.

Hatichapinda munhoroondo yokuti mazuva aya akavambwa sei, asi tinongoda kuzazanura zvishoma kuti tione kuti zvii zvinoita kuti mazuva aya akosheswe kana kusakosheswa, kunyanya avabereki.

Baba, amai nevana, mhuri yatomira. Takambozvibata-bata kuti chii chinonzi mhuri uyewo kuti zvii zvatinokoshesa mumhuri.

Chandave kupamhidzira ndechokuti vakawanda vasisatore mazuva aya samazuva okungopembedza vanhu vomumba mavo chete: baba naamai vakavazvara.

Vamwe vave kurangarira vanhu vari kuvachengeta, kusanganisa vafundisi kumakereke, maticha, vana sekuru nana ambuya. Vamwewo vave kutora mazuva aya kuita mazvita kune vanhu vari kuvakudza mupfungwa namazano, nokuti unonzwa vamwe vachiti vabereki vavo vakashaika vari vadiki, saka vanotokoshesa ivavo vari kuvakudza.

Apo nepapo, vamwe vanoyeuka nherera neshirikadzi.
Zvose izvi zvakanaka kuyeuka mubereki wako nokuwana nguva yaunobatana napasi rese uchingoti mazvita makaita kuti ndivepo, nokuti dai makashaya hanya mungadai makabvisa pamuviri pacho, kana kundizvara morasa zvenyu sezvinoitwa navamwe.

Zvakanakawo nokuti kana iro shoko raMwari rinoti kubhuku raEkisodho 20:12, “Kudza baba namai vako, kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopihwa naJehovha Mwari wako”.

Ndiwo mumwe wemitemo gumi yaMozisi unoenzanisa vabereki vese pasingasiiwe mumwe.
Kune rimwe bhuku zvakare ravaEfeso 3:1-3 zvinonziwo, “Imi vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti ndizvo zvakarurama. Kudza baba vako namai ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa kuti uitirwe zvakanaka, kuti ugare nguva refu panyika”.

Zvoreva kuti mazuva eMother’s Day neFather’s Day mazuva anocherechedzwa nokuti vana vakaona kuti mune makomborero anobva mukurangarira mubereki. Kukudza mubereki zvinorevei kwauri iwe? Mubvunzo unenge nyore, asi ukazoona kubatwa kunoitwa vamwe vabereki unobva waziva kuti hausi nyore nokuti unoona kuti kune vamwe vana vasingatozivi kana kunzwisisa kuti kukudza baba naamai zvinorevei.

Kukudza vabereki zvinoreva kuvatengera mbatya notwunonaka here kana kuti inyaya yakadzama kupinda kudya nezviwanikwa?  Vamwe vadzidzisi vanoti kukudza vabereki kuvapa chiremera mukutaura nomuzviito, nokuvapawo chinzvimbo chakakosha muupenyu hwako.

Iwe uri mwana, tese tiri vana. Kana ivo vabereki vacho vanawo zvakare. Mukukudza kwatinoita vabereki tinotevedzera dzidziso iyi here kana kwete?

Chandipa kuti ndibvunze nyaya iyi pamusana pokuona vabereki vakawanda vachiitwa kunge ndivo vave vana navana vavakazvara, nokuti mazuva ano, ane mari ndiye mukuru.

Vabereki vakawanda vakasakumbira zvavari kuda, vana vavo havana hanya. Ndizvo here kuti mubereki anofanirwa kupemha kumwana?

Share This:

Sponsored Links