Uncategorized

Kukwidza nekudzika vachikwiridzira dzihwa

03 Apr, 2020 - 00:04 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
TAITA dambudziko risiri rekutamba naro sekutamba kwatinoita bhora tichiseka.

Takambotanga tichiita zvekunzwa nezvedenda reCorona seguhwa. Ipapo denda iri rakanga richiri kure kwazvo kunyika yeChina kudunhu rinonzi Wuhan.

Asi zvatakanga tichinzwa nekuona zvazosvika munyika yedu, uye zviri kutyisa.

Dai zvaikwanisika kutiza, vazhinji takaenda kure, asi nhamo yedu ndeyekuti hapana kwekutizira.

Kana muri muno muZimbabwe, hatizive kuti denda iri rakauya nani, hatizive kuti rakapinda sei, kana kuti rapararira sei.

Asi kureruka kwekufamba kwedu nendege, mabhazi nemota tichibva pano tichienda uko nekoko nenguva diki-diki kwatiita kuti tishanyirwe nechirwere cheCorona.

Mumba mapinda nyoka nguva yemanheru isu tichida kurara.

Kubva svondo rapera pandakaenda kunotenga zvekudya kune chimwe chitoro chikuru svondo rapera, ndakaona kuti chokwadi Corona yasvika. Ndakaona vanhu vava kupfeka maMask ekugamha hutachiona.

Ndakaona vechitoro vachipa vanhu sipo yekugezesa maoko.

Asi panga pachiine basa panyaya yekumira vanhu vakataramuka, uyewo nenyaya yekuti timbomira kufamba-famba, tigare mudzimba.

Ndokusaka mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakazotara zuva remusi weMuvhuro wesvondo rino kuti hapana munhu achabvumidzwa kubuda mumba kwemazuva 21 anotevera —kunze kwevanoita mabasa akakoshesesa bedzi.

Chinonetsa munguva dzakaita sedzino harisi denda ratiwira chete, asiwo dambudziko riri mukufambiswa kwemashoko anovhundutsa vanhu.

Mafoni edu azara nemashoko ari pamusoro pechirwere ichi, uyewo kune vanhu vari kukuchidzira mashoko iwayo vachiwedzera nemashoko avowo.

Kune vanhu vanongofunga vari kwavanogara kuti vanofanira kuwana chekutaura nyangwe vasingazive chokwadi chakakwana pamusoro peCorona.

Ini handisi kufara nekungotumira mashoko ese ese kwatiri kuita nekuti kuwanda kwemashoko kwave kutondibira mufaro wangu nerugare.

Ichokwadi kutumirana mashoko anobatsira kwakakosha, asiwo variko vanhu kunze uko vanobatwa nemweya wekupotsera dombo rekutema shiri dzavasingadye.

Nyaya yeCorona haisi nyaya yevatungamiri venyika chete, asi inyaya yedu tese.

Kurwara kana kufirwa haasi mabiko, saka zvakakosha kuti vanhu tirege kufarisa.

Ngatigarei mudzimba dzedu.

Chirwere ichi chinoda kuti vanhu titeerere nekutevedzera mashoko ari kutaurwa neHurumende.

Chirwere cheCorona chichadziviswa kutapukira nekupararira kana vanhu vakanga vari kunzvimbo dzine chirwere ichi, kana kuti vaye vanofunga kuti vakasangana nevanhu vanacho vakagona kutevedzera nyaya iri kukosheswa yekuti munhu agare pamba.

Kufamba chinotoriwo chirwere muvanhu vedu. Nyangwe patiri kunzi garai panzvimbo, unongoona vanhu vachikwidza nekudzika vachikwiridzira dzihwa.

Tinofunga kuti kana tichinzwa vanhu vachifa, isu hativerengwe pavanhu ivavo.

Vanhu vedu vari kuramba vachikwira mabhazi kuti vaende kwavanoenda. Ichokwadi kuti kune mabasa asingavhare, asi kufunga kwangu mabasa iwayo anofanira kutsvaga nzira dzekuti vashandi vavo vachengetedzwe.

Ndakatonzwawo kuti mumwe munhu akanga aenda kunyika dziri kupisa chirwere ichi akauya kubasa asina basa nekuti anogona kunge ane chirwere. Chirwere ichi chiri kunzi munhu ambogara ari pake ega kwesvondo mbiri asati azopinda mune vamwe.

KuSouth Africa vari kumhanya neshoko rekuti munhu wese ane basa rekuchengetedza hutano hwevamwe kubudikidza nekutevedza zviri kukurudzirwa.

Nguva ino kuteerera kunokunda kushamisira.

Ichokwadi tiri kutongwa nechirwere chakaipisisa kwazvo.

Vanhu vari kutya, asi ngatirege kupembedza chinhu chakaipa tichikanganwa kuti Mwari ndivo mubatsiri wedu ari pedyo panguva dzekumanikidzwa.

Ngatirege kutsvaga kuchengetwa naMwari chete, asi ngative vanhu vake atiponese.

Share This:

Sponsored Links