KuManicaland ‘kunorohwa’ chikoro . . . 612 vakapasa nema’A’ 5 zvichikwira

22 Apr, 2022 - 15:04 0 Views
KuManicaland ‘kunorohwa’ chikoro    . . . 612 vakapasa nema’A’ 5 zvichikwira Zimsec

Kwayedza

Ray Bande

VANA vanosvika 612 avo vakanyora bvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) muna2021 muzvikoro zvakasiyana mudunhu reManicaland vakadadisa apo vose vakabuda nema”A” mashanu zvichikwira.

Zvakanyorwa mubvunzo idzi zvakaburitswa svondo rapera apo chikoro cheSt Faith’s High School chiri kwaMakoni chakatungamirira semakore ose nevadzidzi 108 vakabuda nemaA mashanu muzvidzidzo zvishanu zvichikwira ukuwo St David’s Bonda Girls High School yakaenda padanho rechipiri nevadzidzi 94.

Nyazura High iri kwaMakoni zvakare ine vana 60 vakabuda nemaA mashanu zvichikwira kuchiti Kriste Mambo ndokuenda padanho rechina nevadzidzi 57.

Padanho rechishanu pane Nyanga (Marist) High School iyo ine vana 52 vakaita maA mashanu zvichikwira.

St Augustine’s High School yekwaMutasa yakaenda padanho rechitanhatu nevadzidzi 34 ukuwo St Dominic iri padanho rechinomwe nevana 32.

Mavhudzi High ine vadzidzi 20 vakabuda nemaA mashanu zvichikwira apo Marange High iine 16. Emmanuel High yekuNyanga ndiyo yekupedzisira pazvikoro gumi zvekutanga iine vadzidzi 15 vakaita maA mashanu zvichikwira.

Koreji yakazvimirira yeFirst Class Academy iri maMutare ine vadzidzi 15 vane maA mashanu zvichikwira zvakare.

Vakafanobata chigaro chemukuru wedzidzo kuManicaland (Provincial Education Director), VaRichard Gabaza, vanoti vachiri kuongorora zvakabuda mubvunzo idzi.

“Tichataura zvizere kana taongorora mabudiro akaita vadzidzi pamazamanishoni aya. Pari zvino tichiri kuongorora,” vanodaro VaGabaza.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti zvikoro zvebhodhingi ndizvo zvine vana vakanyanya kugona kudarika zvimwe kunze kweSt Dominic neMutare Girls’ High zvinova zvoga zvevanodzidza vachibva kumba zviri pakati pezvakadadisa.

St Dominic’s neMutare Girls’ High zvine vadzidzi vasere pachikoro chimwe nechimwe vakabuda nemaA mashanu zvichikwira.

Zvisinei, kune zvimwe zvikoro zviri pasi zvine vana vashoma-shoma vakawana maA zvinosanganisira Gaza High yekuChipinge ine mwana mumwe chete akaita maA mashanu zvichikwira.

Izvi ndizvo zvimwe chete neVhiriri High yekuBuhera, Dangamvura High yemaMutare, Pafiwa High yekwaMutasa neGatsi High School.

Share This:

Sponsored Links