Kumaruwa vakadofora

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Kumaruwa vakadofora Minister Mathema

Kwayedza

Harmony Agere

ZVIKORO 87 — zvizhinji zvacho zvekumaruwa — ndizvo zvine vana vakafoira zvakanyanya kusvika pakuwana 0 percent pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) idzo dzakanyorwa muna2019.

Zvimwe zvikoro 45 zvine vana vakapasa nechikamu che100 percent.

Izvi zvinoreva kuti kumaruwa kunoda rubatsiro rwakanyanya kuti vana vezvikoro zveko vapasewo zvakanaka.

Kana paine 0 percent yekupasa kwevana, zvinoreva kuti vose vakanyora bvunzo vanenge vakafoira.

Ongororo yakaitwa neZimsec pazvikoro 5 265 zvine vana vakanyora bvunzo dzeGrade 7 — idzo dzakakosha pakuti mwana akwanise kuenderera mberi nezvidzidzo zvesekondari — inoratidza kuti zvikoro zvekumadhorobha zvakaita seAspindale,

Divaris Makaharis Junior neDominican Convent, zvose zviri muHarare, zvine vana vakapasa zvikuru bvunzo idzi kuchitiwo zvekumaruwa zvakaita seZindele, Koodoovale, St Theresa’s neRiver Block vana vakafoira zvakanyanya.

Zindele, Koodoovale neRiver Block zvikoro zvekuGwanda kuchiti St Theresa’s chiri kuInsiza. Zvose zviri muMatabeleland South.

Nyanzvi dzezvedzidzo dzinoti kufoira kwevana uku kunokonzereswa nekusaenzaniswa kwemikana yezvekushandisa uye nevashandi pakati pezvikoro zvekumaruwa nezvemumadhorobha.

“Hapana kugadzikana kuvadzidzisi vekumaruwa nekuti vanenge vachitsvaga kwekushandira kuri nani nguva nenguva,” vanodaro chamangwiza weZimbabwe Teachers’ Union, Dr Sifiso Ndlovu.

“Izvi zvinokanganisa hukama pakati pevana vechikoro nemudzidzisi zvichizokonzeresa kuti pasava nekupasa.”

Nekune rimwe divi, zvikoro zvemumaguta nemadhorobha zvinonzi zvine mukana wekuwana mabhuku evana ekuverenga, kukwanisa kuenda padandemutande kwevana nematicha acho izvo zvinozoita kuti vana vacho vapase.

Hurumende iri mubishi kutsvaga zvikonzero zvekufoira kwakanyanya kwevana vemuzvikoro zvekumaruwa uye kuti poitwa sei.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema, vanoti panoda kutsvagwa nzira dzekuti mamiriro ezvinhu aya agadziriswe.

Vanoti dambudziko rekufoira kwevana harifanire kubatwa richisiyanisa kana kuenzanisa zvikoro zvekumaruwa nezvekumadhorobha, asi kuti rongoonekwa seremuzvikoro zvose.

“Vana vose vanofanira kupasa zvisinei nekuti vari kumaruwa kana kumadhorobha,” vanodaro.

“Sebazi, tiri mubishi kutsvaga kuti sei vakafoira. Tinoda kuita tsvakurudzo kubva kuvakuru vezvikoro, vanoongorora kufambiswa kwezvikoro, vanotungamirira zvikoro mumatunhu naani zvake ane chekuita nekudzidza kwevana.

“Tinogona kuda kutsvaga wekupa mhosva asi tose zvedu kubva kuHurumende, vabereki, maSchool Development Committees (SDCs), nhengo dzedare reParamende nevadzidzisi, mumwe nemumwe ane basa rake rekuita kuti vana vapase.

“Hatigoni kuda kuti vana vedu vapase kana vadzidzisi vachigarisana muimba imwe chete uye kana vana vachidzidzira muzvikoro zvakavakwa nematanda nedhaka.

Tose tine basa rekuti tigadzirise nyaya iyi,” vanodaro.

Mudzidzisi wepaUniversity of Zimbabwe, Dr Peter Kwaira, vanoti kufoira kwevana kuri kukonzereswa nekusamira zvakanaka kwakaita upfumni hwenyika.

“Chakakosha kuti vana vabude zvakanaka pabvunzo, kuva nepekudzidzira pakanaka uye zvinhu zvakanaka. Kusamira zvakanaka kwezvinhu kunokanganisa munhu wose kubva kumwana wechikoro, mubereki pamwechete nemudzidzisi,” vanodaro.

“Haisi nyaya yekupomerana asi kuti magariro emunhu wose anogona kukanganisa mabudiro anoita vana panyaya dzebvunzo dzeGrade 7.

Panoda kugadziriswa madzidziro evana kuitira kugadzirisa ramangwana ravo nevachazouya kumashure kwavo.”

Vanokurudzira vabereki kuti vabatsire vana kuita basa ravanenge vapihwa kuchikoro.

“Vamwe vabereki vanenge vachinetsekana mupfungwa zvekuti havakwanisi kubatsira vana pabasa rekuchikoro ravanenge vapihwa kuti vaitire kumba zvisinei nekuti basa iroro rinobatsira vana zvakanyanya,” vanodaro Dr Kwaira.

Zvichakadai, chikoro cheNgangu Primary School icho chakasangana nedambudziko remvura yemafashamu yaive nedutu mupengo kuChimanimani, chakabura vana vakatsvunha zvakanyanya izvo zvaisatarisirwa pabvunzo idzi nechikamu che69 percent. Pavana 119 vakanyora bvunzo pachikoro ichi, 82 vavo vakapasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey