Kumene ouya ne’Karimubhokisi’

08 Dec, 2022 - 07:12 0 Views
Kumene ouya ne’Karimubhokisi’ Lucky Kumene

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weSungura ane mukurumbira – Lucky Kumene – achaparura dambarefu rake rechishanu rinonzi “Shot reIpapo” nemusi weMugovera svondo rino paEastpoint, muguta reHarare.

Kumene, uyo anotungamira chikwata cheThe Power Express, anoti dambarefu iri chipo icho ari kupa kuvatsigiri vake kuti vagonakidzwe naro panguva yezororo reKirisimasi iro rave pedyo kusvika.

Anoti makore maviri adarika, ange akaoma nekuda kwedenda reCovid-19 iro rakambokonzera kuti mashoo emagitare ambomiswe izvo zvakaona vatsigiri vake vachimboita “nyota” nekusamuona achiridza pamwe nekutsikisa.

“Ndauya nechipo chevatsigiri vangu chekuti vambofadzwa nacho panguva yeKirisimasi nekupinda mugore idzva zvatakatarisana nazvo.

“Iri idambarefu rangu rechishanu kubva zvandakatanga kutsikisa mimhanzi uye ndinovimba kuti vatsigiri vacharitambira nekuti ndakaritsikisa chiri chipo chavo chekuti vanakidzwe naro,” anodaro.

Kumene mumwe wevaimbi vasimukira mumusambo weSungura uye kubva zvaakapinda mune zvekuimba, gore negore ange achingoparura mhanzi ichitambirwa zvakanyanya nevatsigiri.

Nziyo dzake dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Tomutsa Dhewa, Poronki, Vape Moyo (Clicka Rudo), Siya Fon naNgoda YaMwari.

Lucky Kumene

“Kubva zvandapinda mumimhanzi, vatsigiri vakandigamuchira zvikuru uye ndinovatenda nerudo rwavo nekuti pandasvika apa zvaisakwanisika kudai vasipo.

“Ndinoziva kuti dambarefu idzva iri vacharifarira zvikuru,” anodaro Kumene.

Dzimwe nziyo dziri padambarefu idzva iri dzinoti Shot Re-ipapo, Sorry Yonini, Chiuno Chego, uSadherere Kumene, Chiuya Chiuya naJohn Adyiwa neShumba.

Mamwe madambarefu akaburitswa naKumene ndeanoti Poronki (2015) naKavhiri Kendege (2020).

Share This:

Sponsored Links