Uncategorized

‘Kumiganhu kune nyaya’

21 May, 2020 - 00:05 0 Views
‘Kumiganhu kune nyaya’

Kwayedza

Munyori weKwayedza
DZIMWE nzvimbo idzo dzinopoya nevanhu kumiganhu yenyika vachipinda nekubuda muZimbabwe dzinogona kupa mikana yakawanda yekupararira kwechirwere cheCovid-19 pamwechete nekudzosera shure zvirongwa zveHururumende zvekuvheneka nekupatsanura vanhu vanenge vachibva kune dzimwe nyika.

Mutemo weHurumende unoti vanhu vose vari kubva kune dzimwe nyika vanofanirwa kuvhenekwa chirwere cheCovid-19 uye vombopatsanurwa kubva kune veruzhinji vachigara kwavo voga kwemazuva 21.

Vanenge vaonekwa vane utachiona hunokonzera Covid-19 hwecoronavirus vanobva vaiswawo kwavo pachirondwa vanhu vose vavanenge vakambosangana navo kuitira kuti vaongororwewo denda iri.

Dr Stanley Tapesana — avo vanova nyanzvi inoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mudunhu reMashonaland Central — vanoti zvakakosha kuti munhu wose anobva kune imwe nyika avhenekwe kuitira kuderedza kupararira kweCovid-19.

Vakataura mashoko aya pazuva rekupangana mazano pakati pevarapi vemudunhu iri nenyanzvi dzakauya dzeChinese Anti-Covid-19 idzo dziri munyika muno.

Dr Tapesana vanoti mudunhu reMashonaland Central, nzvimbo dzinonyanya kupinda nevanhu zvisiri pamutemo dzinosanganisira Mbire, Mt Darwin neRushinga.

“Nzvimbo idzi dzakavharwa kunyangwe dziine zvekushandisa mukuvheneka nekupatsanura vanhu senzira yekurwisa chirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Dr Li Chunchui — avo vanova Specialist Associate Professor — vanotenda mabasa makukutu ari kuitwa mudunhu iri mukurwisa chirwere cheCovid-19.

“Tiri kuona mabasa makuru ari kuitwa mukurwisa chirwere cheCovid-19 uye tinozvitenda. Zvisinei, tinokurudzira kuti muzvipatara munge muchigara murwere mumwe nemuwe ari oga nekuti vanhu vanofungirwa kuti vane chirwere cheCovid-19 hazvigoni kuti vagariswe vakawanda pamwe chete,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links