Ray Bande
CHIDHOMA kana kuti chipoko chinonzi chanetsa vagari vekuNyanyadzi, kuChimanimani, uko kwachiri kuonekwa panzvimbo yemabhizimisi eko munguva dzemanheru izvo zvamutsa mitauro yakawanda.
Sekutaura kwevamwe vagari veko avo vakabvunzurudzwa nemunyori uno, chipoko ichi chinoonekwa kuma10 dzemanheru pedyo nenzvimbo yemabhizimisi chakapfeka tracksuit ine mitsetse michena.
Chine izwi rechikadzi.
Vazhinji vakasangana nechipoko ichi munguva dzemanheru vanoti hachidi chiedza zvachose.
Sadunhu Gudyanga vemunzvimbo ine Nyanyadzi Business Centre, VaFakazi Murombo, vanoti vakatambira mashoko akawanda evanhu vakasangana nechipoko ichi.
Vanoti vari mushishi kuunganidza mari kuti vatsvage n’anga inochenura nzvimbo iri kuonekwa chipoko ichi.
“Ndakatambira mashoko ekuti vanhu vakawanda vari kusangana nechipoko. Hapana kupokana kuti izvi zviri kuitika uye vanhu vazhinji munzvimbo iyi vave kutya kufamba husiku, kunyanya panzvimbo yemabhizimisi iyi.
“Ndakanzwa kuti chipoko ndechemunhukadzi uye chinowanzosangana nevanhurume. Patiri kutaura kudai, ndiri kutungamirira hurongwa hwekuunganidza mari yekuenda kun’anga.
“N’anga iyi ichatibatsira kuchenura nzvimbo iyi uyewo kuti mushakabvu atsanangure kuti sei ari kudzoka kubva kuvafi,” vanodaro.
Sabhuku wemusha uyu, VaIsay Chukuchai Rwizi, vanoti chirongwa chekuunganidza mari, icho chakapihwa zita rekuti “Chidhoma Levy”, chiri kuenderera mberi.
“Tiri mushishi kuunganidza mari yekuchenura chipoko pasi pechirongwa chatinodaidza kuti ‘Chidhoma Levy’ apo mhuri yoga-yoga inotarisirwa kubhadhara US$1 yezvekushandisa zvinodiwa kun’anga kuti vagadzirise dambudziko iri.
“Nyaya yechipoko iyi haisi ngano sezvo vanhu vakawanda vari kusangana nacho. Kune mutyairi webhazi reInter Africa uyo achangobva kusimbisa nyaya yekusangana chipoko ichi. Akandiudza kuti akaona mumwe mukadzi aimisa bhazi nemaoko ake. Paakamira, havana kuzoona munhu,” vanodaro.
Mumwe muzvinabhizimisi akasangana nechipoko ichi, uyo asina kuda kudonwa zita rake, anoti: “Ndakasangana nechipoko chechikadzi apo ndaienda kumba husiku. Akandiperekedza kusvika kumba, chinhambwe chingangoita mamita 300.
“Takakurukura tichifamba asi chiso ndaisachiona. Kwainge kwasviba asi ndakaona mitsetse michena yaiva patracksuit. Akaramba achitaura nezvekutsvaga kwake murume. Ini ndakamuudza kuti kumabhawa eko ndiko kwaaigona kuwana murume.
“Akabva angonyangarika pandakanga ndoda kuvhura gedhi repamba pangu.”
Mumwe mugari wemuNyanyadzi, Tawanda Nkoma, uyo anozivikanwa zvikuru munharaunda iyi nezita remadunhurirwa rekuti PaHarare anoti: “Ndakasangana nechipoko ichi ndichibva kuzvitoro uko takanga tichiona mutambo weAston Villa neArsenal uri musi weSvondo manheru. Ndakazongoona chiso changu chavharwa nerokwe.
“Ndakarohwa nehana zvakanyanya. Ndakaita chadzimira ndisisaziva kwandaienda, ndokuzonunurwa nemurindi wepane chimwe chitoro. Ndakapedza husiku hwose ndiine murindi uyu.”
Zvipoko masaramusi asinganzwisisike apo vamwe vanhu vanotenda mazviri asi vamwewo vasingatendi kuti zviriko.