Kungombeya-mbeya vamwe vari mudzimba

16 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Kungombeya-mbeya vamwe vari mudzimba ZVISINEI nekuti veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vasiyane zvachose nekuungana sezvo kuita kwakadaro kuchivaisa panyatwa yekutapurirana chirwere cheCovid-19, vanhu ava vainge vakamira vari chitsoko-tsoko vachida kuwana mukana wekutenga hupfu paMakoni, kuChitungwiza. — Mufananidzo Patrick Shamba.

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena naCourtney Munodawafa
VARUME vana vari kumiswa mudare reHarare Magistrate Court nemhosva yekutyora mutemo wakadzikwa neHurumende uyo unodzivisa vanhu vose kufamba-famba uye kuti vagare mudzimba senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutongi Victoria Mashamba anotongera mumwe nemumwe wavo kupika mwedzi mitatu mujeri.

Edmore Muwadzi (38), Shingirai Kuimba (33), Tendai Mabota (32) naAmos Rutsvara (23) vakabatwa nemhosva kunyange vachipa zvikonzero zvekuti sei vakawanikwa nemapurisa vachitenderera paMagaba, kuMbare.

Muwadzi anoti ainge abuda kunotenga hupfu  mushure mekunge anzwa nerunyerekupe kuti hwauya muchimwe chitoro.

Anoti,‘‘Tange tava nemazuva tisina kudya sadza saka ndakazobatwa ndisati ndatenga hupfu zvekuti mhuri yangu handisi kuziva kuti vari kurarama sei.”

Mabota anoti aive achienda kunotora hupfu kune imwe hama yake yaive yamuvimbisa.

Ukuwo Rutsvara anoti ainge anoona hama yake yakaita tsaona ikakuvara.

Kuimba anoti aida kunotumira nebhazi mushonga  waamai vake avo vanorwara.

“Mapurisa ndakaedza kuvatsanangurira kuti ndina mai vanorwara asi havana kunditerera,” anodaro.

Muchuchisi Peter Kachirika anoti nemusi wa7 Kubvumbi mumhan’ari akamirira State Judah Wasarirevhu wepaMatapi Police Station iri kuMbare nechikwata chemapurisa chaanoshanda nacho vainge vachitenderera muMagaba Complex vachiongorora kuti vanhu vari kutevedzera here mutemo ndipo paakasangana naMuwadzi, Rutsvara, Kuimba naMabota vachitendera sezvo vachiwanzoita basa rekutsvagira vemabhizimisi makasitoma vachibhadharwa.

Varume ava vakatyora mutemo unoti vanhu vagare kumba. Pavakaona mapurisa, vakaedza kutiza asi vakabatwa ndokusungwa.

Mutongi Mashamba anoti sezvo varume ava kari kekutanga kupara mhosva uye vari vanhu vane mhuri, dare rinoti vabvise fine ye$500 pamunhu nekuti kupinda mujeri munguva ino yecoronavirus kune njodzi uye mhuri dzinotambura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey