Kungosiira zvose kuna iye Musiki

16 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Kungosiira zvose kuna iye Musiki

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
KANA vanhu mumusha varasa tariro, vanotendeukira kuna Mwari nokuti kune vanhu hakuna chavo. Zvinoita kuti vanhu varase tariro mumusha inhamo isingapere mumushamo. Mhedzisiro vamwe vobva vatumidza vana vavo kuti “Nhamo”.

Vamwe kana vafirwa vanoimba kuti, “Kana nhamo dzikawanda tinozvireva kunaaniko”. Izvi zvinoratidza kuti hakuchina kwekuenda kunze kwekutsvaga Musiki chete nokuti munhu haachazvigona.

Mumapani emaguta nemadhorobha, mumakomo, pamwe nemumisha inogara vanhu, mazara makereke. Vanhu vazhinji vari kutsvaga kunyaradzwa marwadzo avo nemakereke aya.

Nhamo inotangira mudzimba chaimo. Mudzimba dzedu ndimo munotangira zvose. Vana vedu mudzimba vanoita sevarasa hunhu nokuti tinovaona sevasisateerere. Muvhunzo ndiwo unoti: “Tisu here vakuru tarasa hunhu, kana kuti hapachina chekuteerera kubva kwatiri vakuru?”

Hapana achaziva. Zvaakutoda iye Musiki pachakake kuti apindire.

Kune vanogara pedyo nemakomo kune mapfeni, kana gudo rashaya chekudya munharaunda, haritye kupinda mudzimba richigudubudza mapoto, hari nendiro. Kune dzimwe nzvimbo, makudo anobata huku kana mbudzi achidya kana zvaoma.

Ko pane kusiri kufa here, angadaro mapfeni. Zvichida vana vedu vave kudarowo kwatiri isu vabereki vavo pamwe takundikana kuvabatsira. Vanakomana nevanasikana vave kutaura mutauro unotyisa, vachiimba zvisingataurike. Vanokwira pamotokari dzinotakura vanhu (makombi) vakaita zvinamira pasina anovabvunza pavanodarika nepane mapurisa.

Vana ava vave kumisidzana nevabereki vavo, havachagona kutsiurwa. Isu vanhu tatadza kupa mhinduro.

Vakuruwo vave kutora basa remakanzuru vachigarisa vanhu munzvimbo dzisingabvumidzwe. Hakuna anovatsiura, nokuti havachatsiurika. Pedzezvo vanovaka dzimba dzavo pasina anotarisa kuti dzavakwa zvakanaka here. Havachina nebasa kuti dzimba idzi dzinogona kuve nengozi kumhuri dzavo mangwana.

Vanhu mumaguta nemumadhorobha havachawana mvura kana magetsi akaringana. Vave kuchera mvura mumatsime nemifuku. Kurarama kwemunhu imvura.

Vanhu vanongonwa mvurayo kanapo ichivarwarisa nemudumbu nemanyoka. Migwagwa yaipa. Vechidiki vave kugadzirisa makomba emigwagwa iyi vachikumbira mari kune vatyairi vemotokari dzinoshandisa migwagwa iyi.

CHENJEDZO:
Kana nhamo dzikawanda vanhu vanogona kutiza musha, kambani kana nyika yavo vachienda kumwe. Kana vatadza, vamwe vanorasa mwoyo vonwa zvinodhaka. Asi vamwe vanotizira kumakereke kana kun’anga kuti vawane tariro kana vatadza kuvimba nemunhu. Dare rino rinotikurudzira kuti tisashungurudze vanhu mumisha kana mumakambani nokuti vanoshaya kwekutizira.

 Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links