Uncategorized

‘Kungotora mwana, anodzoka orwara’

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Tatenda Shuro
VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe mudzimai wekuWarren Park 2, muHarare, akati aimbove murume wake pose paanotora mwana wavo kuti ambomuona, mwana uyu anodzoka ave kurwara nemanyoka.Agnes Kafesu akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekumhan’arira Lovemore Bukutu achida gwaro redziviriro.

“Baba ava ndakarambana navo mugore ra2016 uye hatichagari tose asi nanhasi vachiri kundishungurudza zvinova zvaita kuti ndiuye kudare. Pandakambouya navo kuno, dare rakatonga kuti vaisafanira kutora mwana pavadira asi vari kutyora mutongo wakapihwa uyu nekutora mwana watakaita tose pavadira.

“Chero pakati pehusiku anogona kumutora, apa mwana achiri mudiki ane makore maviri okuzvarwa. Paanotora mwana ipapa, anomudzosa ave kurwara zvekuti paakapedzisira kumutora, akamudzosa aine mudumbu achidurura manyoka egreen,” anodaro.

Kafesu anoenderera mberi achiti, “Imwe nyaya iri kundishungurudza ndeyekuti baba ava vari kundimanikidza kurara navo pose pavanouya kumba kwangu zvisinei nekuti takarambana. Ndinokumbira kuti dare rindipewo gwaro rerunyararo sezvo ndiri kushaiswa mufaro.” Bukutu anoudza dare kuti Kafesu anonyeba.

“Nyaya yekurwara kwemwana akangoitawo mudumbu semwana mudiki kwete kuti nguva dzose anodzoka kumba aine manyoka. Ndakangoenda kumba kwake husiku ndichinosiya mbatya dzemwana dzaainge asiya nekuti mwana akanomutora kubasa kwangu,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaKafesu achiti anofanira kushandisa gwaro redziviriro raakapihwa nedare iri nguva yadarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey