Kunyai dzisimbe — Majabvi

06 May, 2021 - 13:05 0 Views
Kunyai dzisimbe — Majabvi Justice Majabvi, LASK Linz (Photo by Jon Buckle - PA Images via Getty Images)

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu ichitambira zvikwata zvinosanganisira Dynamos FC, LASK Linz yekuAustria, Simba Sports Club yekuTanzania nemaWarriors — Justice “Chief Justice” Majabvi — anoti vatambi vemazuva ano vanofanira kushanda nesimba kuitira kuti vawane mukana wekunotambira kunze kwenyika.

Majabvi mumwe wevatambi venhabvu vashoma kubva muZimbabwe vakatengwa nezvikwata zvekuEurope achibva munyika muno asina kumbotambira zvikwata zvemuAfrica.
Anoti kushanda nesimba, kuzvipira nekurongeka ndizvo zvakamubatsira kuti asvike kure mumutambo uyu.

“Kana uchida kusvika kure munhabvu — hapana imwe nzira — kushanda nesimba chete. Saka ndiri kukurudzira vechidiki vemazuva ano kuti ngavashande nesimba uye vachengetedze miviri yavo,” anodaro.

Majabvi, uyo aive muchikwata cheDeMbare chegore ra2008 chairairidzwa naDavid ‘Yogi’ Mandigora chakasvika kusemi-fainari yeCAF Champions League, anoti mamaneja anokosha zvikuru munhabvu nekudaro mutambi wose anofanirwa kuva namaneja wake anomurongera remangwana.

“Chandakaona, munhu anonzi maneja akakosha muhupenyu hwemutambi wenhabvu. Maneja anoita kuti mutambi asarasike nekuti ndiye anenge achikudzoreredza pamwe nekukurongera remangwana rake.

“Manje vakomana vari kurasika nekuti havana vari kuvagadzirisira remangwana ravo. Vamwe nhabvu yavo iri kukanganisika nekutora zvinodhaka, asi kana ana maneja nguva yekutora zvinodhaka haitombowanikwe nekuti anenge achiongorora zvose zvaunenge uchiita.

“Ini kuita maneja kwakandibatsira kuti ndisvike kure mumutambo uyu,” anodaro Majabvi.
Anoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwakakanganisa zvikuru kusimukira kwevatambi venhabvu vemuno.

Zvisinei, anoti kana vatambi vakazvipira uye vakashanda nesimba zviri nyore kuti vadzokere pachidanho chavaive kare chirwere ichi chisati chanyuka.

“Covid-19 yakadzorera kumashure zvikuru nhabvu yemuno pamwe nekune dzimwe nyika. Asi, hatidi kuramba tichingohwanda neCovid-19 chete, vamwe vatambi vange vave kuita zvavasingatenderwe vari kudzimba dzavo. Ndinokurudzira vatambi vose kuti ngavazvichengetedze nguva dzose uye apa nhabvu yave kudzoka manje saka zvakakosha kuti vashande nesimba vadzokere pavaive paye Covid-19 isati yauya kuzowondonga zvose.

“Asi vakawanza hunyope hapana kwavanosvika, zvose zvinoenda mudondo,” anodaro Majabvi.
Kubva paasendeka shangu dzake dzenhabvu, Majabvi ari kushanda semumiriri wevamwe vatambi kukambani yekuGermany inonzi WSM Marketing and Management uye nekuita mabhizimisi ake aakatangisa munyika ino.

“Ini ndiri muzvinabhizimisi ari kusimukira achangotanga uye zvose zvakabva kunhabvu. Ndakakoshesa kuchengetedza mari yandaiwana kunhabvu nekuti ndaizvirongera remangwana rangu. Kunze kwekuita zvemabhizimisi, ndiri mumiriri wevatambi vekambani yeWMS Marketing and Management. Ndiri kuzama nepandinokwanisa kuvhurira mikana vamwe vatambi vanokwanisa kuenda kunotambaira kuzvikwata zvekuEurope zvakasiyana,” anodaro Majabvi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>