Kunzwisisa ILO Convention nemhirizhonga mumabasa

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views
Kunzwisisa ILO Convention nemhirizhonga mumabasa

Kwayedza

Geraldine Kabaya
MUTEMO weInternational Labour Organisation (ILO) unocherechedzwa pasi rese nedonzvo rekurwisa nyaya dzekushandiswa nenzira dzisina kunaka kwevanhu vakuru uye pwere uye uri pasi pemutemo weUnited Nations nechinangwa chekumiririra kodzero dzevanhu mumabasa.

Ndicho chikonzero nei kwakaumbwa mutemo unorwisa mhirizhonga weILO Convention on Violence and Harassment (No. 190).

Zimbabwe inhengo yeInternational Labour Organisation kureva kuti inotevedza mutemo uyu.

Chinangwa chemutemo uyu chakamira sei?
Mutemo weILO Convention (No. 190) unorwisa nyaya dzemhirizhonga mumabasa uye kumbunyikidzwa kwevashandi nenzira yebonde, kutukwa kana kubatwa miviri yavo nenzira dzisingavafadzi.
Unotarisa zvekare nyaya dzekuenzaniswa kwemikana mumabasa pakati pevanhurume nevanhukadzi.
Kucherechedzwa kwemutemo uyu kunobatsira zvikuru mukusimukira kwevanhu mumabasa uye utano nechengetedzo.
Ndedzipi mhirizhonga dzinosanganikwa nevanhu mumabasa?
ILO Convention (No. 190), inotarisa mhirizhonga dzakasiyana dzakadai sekutyisidzirwa, kumbunyikidzwa nenzira yebonde, kudzikisirwa nekuda kwekuti uri murume here kana mudzimai.
Nzvimbo dzebasa ndedzipi?
ILO Convention (No. 190) inoratidza kuti mhirizhonga zhinji dziri kuitika kumabasa kune vashandi vanobhadharwa pamabasa avanenge vaita. Kungava kwavanodyira, mumahofisi, kumitambo kana nzendo dzine chekuita nebasa.
Ndiyani anochengetedzwa neConvention iyi?
Vashandi vese nevashandirwi vanochengetedzwa nemutemo uyu zvisinei nekuti vari mumakondirakiti api.
Ndezvipi zvimwe zviri mumutemo uyu (No. 190)?
Nyika dzese dzakasainira mutemo uyu dzine basa guru rekuutevedza uye kuchengetedza vashandi pamabasa. Kurwisa nyaya dzemhirizhonga nekutora matanho ekudzivirira zvese zvinokanganisa mafambisiro ebasa zvakanaka mumabasa.
Wakatanga rinhi mutemo uyu, uchiitei?
Mutemo uyu unotanga kushanda mushure memwedzi gumi nemiviri apo nyika mbiri dzinenge dzaugamuchira pamwe nekuusainirana pasi uye wakatanga kushanda nomusi wa25 Chikunguru, 2020.
Kuti Zimbabwe inge ichibatwa nemutemo uyu, unofanirwa kuzeyewa wopasiswa mudare reParamende uyewo wozobatanidzwa nemimwe mitemo yenyika ine chekuita nekurwira kodzero dzevashandi.
Dare reParamende nekudaro rinokurudzirwa kuti ripasise mutemo uyu weILO Convention (No. 190) kuti ugove bandiko remitemo yenyika inochengetedza kodzero dzevashandi.
Tumirai mhinduro dzenyu nedandemutande rinoti [email protected] kana kuti kuchaya nhare panhamba dzinoti +263782 900 900/+263776 673 873, Toll free 08080131 kana dzimwe dzinoti +263242 708491 ne+2630242 706676

Share This:

Sponsored Links