Kunzwisisa nezvemishonga yePEP

10 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

KUTI mishonga inodzivirira kutapurirwa kweutachiona hweHIV inge ichishanda, inofanira kuwaniswa kumunhu anenge ari panyatwa yekutapurirwa HIV mukati memaawa 72.

Sangano reNational AIDS Council (NAC) rakaona kuti vanhu vazhinji vari kuda kunzwisisa maringe nechirongwa chePost Exposure Prophylaxis (PEP). Zvakakosha kuti munhu wese azive maringe nechirongwa ichi.

PEP zvinoreva kuti munhu anenge achitora mishonga yemaARVs mushure mekuve panyatwa yekutapurirwa HIV senzira yekuti asatapurirwe utachiona uhwu.

Mishonga iyi inopihwa munhu bedzi kana achinge anyorerwa nemachiremba uye inoshanda mukati memaawa 72 utachiona uhwu kana huchinge husati hwatekeshera nemuviri.

Kune nzira dzakawanda idzo dzinoita kuti munhu ange achive panjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV dzakadai sekuti kana uchiziva kuti munhu wauri kupinda naye pabonde risina dziviriro ane HIV, machiremba nemadhokotera ayo anoshanda neropa kana midziyo inenge iine utachiona uhwu mubasa ravo saka vanenge vachida mishonga iyi nguva nenguva kana vawirwa netsekwende dzinovaisa panyatwa yekutapurirwa HIV.

Mishonga iyi inovapo kuti inge ichidzivirira zvirwere asi inopihwa munhu ari panyatwa yekutapurirwa HIV uye inofanira kutorwa mukati memazuva 28.

Kana munhu achinge atadza kupindirana nemishonga iyi (side effects), anokwanisa kuona machiremba kuti ange achirapwa kunyangwe zvazvo isina zvinhu zvinonyanya kukanganisa upenyu.

Nekuda kwenyaya dzerusarura urwo rwunofambirana nemunhu anenge abatwa chibharo kana kuitwa chingochani, vazhinji vanogozherwa kuti vange vachidura nokudaro zvakakosha kuti vange vachitora mishonga yePEP kuti vasatapurirwe utachiona hweHIV.

Zvakakosha kuvhenekwa utachiona kuti uzive paumire. Sangano reNAC rinokurudzira veruzhinji kuti vasasarure vanhu vanenge vari kutora mishonga yemaARVs kana vanenge vambunyikidzwa nenzira yebonde.

Vashandi vemuzvipatara vanofanira kuva nemwoyo nepfungwa dzekuziva maringe neutano hwavo nguva dzose.

Zvakakosha kuti ushanyire chipatara chiri pedyo mushure mekupinda panyatwa yekutapurirwa HIV uwane rubatsiro rwekurapwa nenguva nenzira yePEP.

Tevedza zvinenge zvakanyorwa nemachiremba maringe nematorero aunofanira kuita mishonga yako.

PEP inokwanisa kushandiswa bedzi kana pachinge paita tsaona yekutapurirwa utachiona senzira yekudzivirira utachiona.

Kushandiswa kwemakondomu nenzira kwayo nekuva nemudikanwi akavimbika, kunobatsira mukuderedza kutapuriranwa kweHIV.

Sangano reNAC rinokurudzira vanhu vese kuti vange vachinovhenekwa HIV uye kune vaye vanenge vari kupinda pabonde nguva nenguva, vagare vachivhenekwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey