Kunzwisisa pamusoro peGonorrhea

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Kunzwisisa pamusoro peGonorrhea

Kwayedza

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) riri kutambira mibvunzo yakawanda pamusoro pezvimwe zvirwere zvepabonde.
Svondo rino tichapa dzidziso pamusoro pechirwere chegonorrhea icho chinobata zvose vanhukadzi nevanhurume.
Gonorrhea inokonzera utachiona kunhengo dzinosanganisira dzakavandika nepahuro.
Utachiona uhu hunonyanya kubata vechidiki vane makore 15-24 okuberekwa asi hunobata zvakare vanhu vemazera ose.
Kuita bonde risina dziviriro kunoisa munhu panjodzi yekutapurirwa zvirwere zvepabonde, kusanganisira utachiona hweHIV.

Gonorrhea inotapuriranwa sei?
Chirwere ichi chinotapuriranwa kuburikidza nekuita bonde nekunhengo yemunhukadzi yesikarudzi, nekunzvimbo inobuda netsvina kana kuti bonde remukanwa nemunhu anenge aine utachiona hwegonorrhea. Mudzimai anenge akazvitakura aine gonorrhea, anokwanisa kutapurira mwana wake pakusununguka.

Zviratidzo zvegonorrhea:

  • Kurwadziwa pamwe nekunzwa kupisa panguva yekurasa mvura
  • kuburitsa zvinoerera zvakawanda kunhengo yesikarudzi yemunhukadzi
  • kuburitsa ropa kunhengo yemunhukadzi pakati pemazuva enguva yekutevera

Utachiona hwemumatumbu (rectum) kuvanhurume nevanhukadzi hunogona kuve nezviratidzo zvinotevera:

  • kuburitsa zvinoerera
  • kurwadziwa nepanzvimbo panobuda netsvina
  • kubuda ropa
  • kurwadziwa kwakanyanya panguva yekuita tsvina

Vamwe vanhurume vanenge vaine gonorrhea vanogona kuve vasina zviratidzo zvechirwere ichi zvachose. Zvisinei, vamwe vanenge vaine zviratidzo zvinotevera:

  • Kunzwa kupiswa kunhengo yakavandika panguva yekurasa mvura
  • Kubuda zvinoerera zvine ruvara ruchena, yellow kana green kunhengo yakavandika
  • kurwadziwa nemabhora anochengeta mbeu yababa (asi kazhinji izvi hazviwanzoitika).

Vanhukadzi vakawanda vane gonorrhea havana zviratidzo zvavanoona zvachose. Kunyangwe munhukadzi akave nezviratidzo zvichirwere ichi, zvinogona kunge zvisingaratidziki zvakanyanya zvekuti anogona kufunga kuti zvichida hunongovawo utachiona hwemudundiro kana hwekunhengo yakavandika. Vanhukadzi vane gonorrhea vari panjodzi yekusangana nezvigozherwa kubva pavanotapurirwa utachiona uhu, kunyangwe zvazvo pasina zviratidzo zvacho.
Unofanira kuongororwa nachiremba kana ukaona zvimwe zvezviratidzo izvi kana kuti apo mudiwa wako anenge aine chirwere chepabonde.

Gonorrhea inorapika here?
Hongu, gonorrhea inorapika nemushonga wakagadzirirwa kurapisa chirwere ichi.
Zvakakosha kuti utore mushonga wose waunenge waudzwa nachiremba kuti utore. Mushonga wekurapisa gonorrhea haukumbidzanwe.
Kana zviratidzo zvechirwere ichi zvikaramba zviripo kwemazuva mashoma mushure mekutora mushonga, unofanira kuenda kuchipatara kana kuna chiremba wako kuitira kuti uongororwe zvakare.
Ndingaita sei kuti ndidzivirire njodzi yekutapurirwa gonorrhea?

Kana uchipinda panyaya dzepabonde, unokwanisa kuita zvinotevera kuti udzikise mikana yekutapurirwa gonorrhea:

  • Kuva murudo rwenguva yakareba nemudikani mumwe chete akaongororwa ndokuonekwa kuti haana zvirwere zvepabonde.
  • Kushandisa makondomu nemazvo uye nguva dzose panguva yebonde.

Ndiri panjodzi here yekutapurirwa gonorrhea?
Munhu wose anopinda munyaya dzepabonde ari panjodzi yekutapurirwa gonorrhea kuburikidza nebonde risina kudzivirirwa, ringave rekunhengo yesikarudzi yemunhukadzi, kunzvimbo inobuda netsvina kana remumukanwa.
Kana uchipinda munyaya dzepabonde, budirana pachena pamwe nekutaurirana nemudikani wako uye ongororwai mose zvirwere zvakadai segonorrhea.

Kana uri mudzimai ari kupinda munyaya dzepabonde uine makore ari pasi pe25 okuberekwa kana kudarika uchipinda pabonde nevanhu vakawanda kana kuti nemudikani ane chirwere chepabonde, unofanirwa kuongororwa utachiona hwegonorrhea gore rega-rega.

Ndine pamuviri, gonorrhea ingakanganise sei mwana wangu?
Kana uine pamuviri uye uine utachiona hwegonorrhea zvakare, unokwanisa kutapurira mwana wako panguva yekusununguka.
Izvi zvinogona kukonzera matambudziko makukutu maringe nehutano hwemwana wako.
Kana uchinge uine pamuviri, zvakakosha kuti utaure neveutano kuitira kuti uongororwe pamwe nekupihwa mishonga yakakodzera, kana zvichikwanisika. Kurapwa gonorrhea nekukasika kunobatsira pakuchengetedza utano hwemwana asati azvarwa.

Ndakarapwa gonorrhea, ndingaite bonde rinhi zvakare?
Unofanira kumira kusvikira mazuva manonwe apera apo unenge wapedza kunwa mushonga wose usati waita bonde zvakare.
Kuitira kuzvidzivirira kuti usatapurirwe gonorrhea zvakare kana kutapurira mudikani wako, imbomirai kupinda pabonde kusvikira mapedza kunwa mishonga yose.

Chii chinoitika kana ndikarega kurapwa?
Kusarapwa gonorrhea kunokonzera matambudziko makukutu pamusoro peutano hwemunhu ayo aanogona kurarama nahwo kwehupenyu hwake hwose.

Kuvanhukadzi, gonorrhea kana isina kurapwa inokonzera matambudziko eutano akadai sekutadza kuita mwana, kuita mwana anenge ari kunze kwechibereko uye kugara munhu achinzwa marwadzo akanyanyisa muchibereko.

Kuvanhurume, chirwere ichi kana chisina kurapwa chinogona kukonzera kurwadziwa nemachumbu anobva kumabhora anochengeta mbeu yababa nekutadza kuzvarisa mudzimai zvakare. Kana chirwere ichi chisina kurapwa, chinogona zvakare kuwedzera njodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV.

Rangarira kushandisa makondomu nenzira kwayo uye nguva dzose.
Zviratidzo zvegonorrhea zvinogona kunge zvichionekwa asi nzira bedzi yekuziva kuti une utachiona hweHIV kuongororwa ropa rako kuitira kuti uzive paumire.
Enda unorapwa nguva iripo kana zvakakodzera.

Share This:

Sponsored Links