Kunzwisisa zvizere pamusoro pepep

18 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoti vanhu vakawanda vari kukundikana kuwana mashoko azere maringe nemishonga yekudzivirira utachiona hweHIV yePost-Exposure Prophylaxis (PEP).

Zvakakosha kuti munhu wese ange achiwana ruzivo maererano nePEP.

PEP zvinoreva kutora mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs (ARVs) nekukasika mushure mekuiswa parumananzombe rwekutapurirwa utachiona hweHIV senzira yekudzivirira kutapurirwa HIV. Mishonga iyi inonyorwa nemachiremba uye kuti inge ichishanda inofanira kutorwa mukati memaawa 72 apo munhu anenge akatarisana nenjodzi yekutapurirwa utachiona uhu apo hunenge husati hwadzika midzi kuti hunge kuchiwedzera kuwanda.

Kune nzira dzakawanda dzinoita kuti munhu ange achitapurirwa utachiona hweHIV dzakadai sekubatwa chibharo kana kubaiwa majekiseni panguva yekurapwa.

Vamwe vanhu vanogona kuzoziva pava paya kuti munhu wavanenge vaita naye bonde ane utachiona hweHIV. Vanachiremba nevashandi vemumarabhoritari vanogoa kuona kuti midziyo yavanenge vari kushandisa ine utachiona hweHIV nokudaro vanenge vachida mishonga yePEP pabasa kuti vange vachizvidzivirira.

Prophylaxis zvinoreva kuti kudzivirira. Munhu asati atora mishonga yePEP, anofanira kutanga avhenekwa utachiona hweHIV.

Mishonga yePEP inogadzirwa nemaARVs uye inofanira kutorwa kwemazuva 28. Chiremba ndiye anoziva mhando yemishonga inofanira kutorwa nemunhu anenge akatarisana nenjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV.

Mishonga yePEP yakanaka chose zvisinei nekuti panogona kuita zvigozhero kune vamwe vanhu. Zvogozhero izvi zvinogona kurapwa uye hazvina njodzi kuupenyu hwemunhu.

Rangarirai kuti mishonga yePEP inofanira kushandiswa bedzi kana munhu achinge akatarisana nenjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV uye haipo pakutsiva dzimwe nzira dzekudzivirira utachiona uhu dzakadai sekushandiswa nemazvo kwemakondomu kana kushandisa midziyo yakachena yakadai semajekiseni.

Nekuda kwenyaya dzerusarura idzo dzinosanganikwa nadzo nevanhu vanenge vabatwa chibharo kana kuitwa chingochani, vanhu vazhinji vanenge vambunyikidzwa nenzira idzi vanonyara kudura izvo zvinobva zvaderedza mikana yavo yekuti vange vachiwaniswa dziviriro yePEP. Zvakakosha kuti vanhu vange vachivhenekwa utachiona hweHIV kuti vagare vachiziva pavamire. Zvakare sangano reNAC nevamwe vatsigiri varo vanorwisa nyaya dzerusarura kuvanhu vane utachiona hweHIV nevanenge vabatwa chibharo nekuti zvinokanganisa mikana yavo yekuti vange vachitora mishonga yavo nemazvo.

Varapi vanofanira zvakare kurapwa nekuvhenekwa nenguva pazvinenge zvakakodzera.

Shanyirai chipatara chiri pedyo nemi muzive zvizere maringe neHIV uye PEP. Rangarirai kuti mishonga iyi inotorwa bedzi mushure mekunge wanyorerwa nemachiremba.

NAC inokurudzira vanhu kuti vave vakavimbika muwanano nekugara vachivhenekwa utachiona hweHIV.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey