Kupasa kwevana kwoderera

16 Oct, 2019 - 12:10 0 Views
Kupasa kwevana kwoderera Professor Eddie Mwenje

Kwayedza

Charmaine Brown

KANZURU yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) inoti pane kuderera kwekupasa kwevana vakanyora bvunzo dzeO-Level dzemunaChikumi gore rino asi veA-Level vakati wedzerei kupasa kana zvichienzaniswa nevakanyora mumwedzi mumwe chetewo gore rapera.

Nguva pfupi yadarika Zimsec yakaburitsa zvakaburwa pabvunzo dzaChikumi 2019.

Sachigaro weZimsec, Professor Eddie Mwenje, vanoti huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo hwakaderera zvikuru.

“Mugore ra2019, vadzidzi 75 055 vakanyoresa kuti vanyore bvunzo dzeO-Level kana zvichienzaniswa ne141 246 vakanyora bvunzo mumwedzi mumwe chete uyu muna2018. Zvisinei, huwandu hwevana hwakaderera kuenda pa66 191 kunova kuderera nechikamu che46,86%,” inodaro Zimsec.

Vadzidzi 1 268 ndivo vakanyora bvunzo dzeO-Level dzezvidzidzo zvishanu kana kudarika.

“Vadzidzi 562 vakapasa zvidzidzo zvishanu kana kudarika negiredhi C kana zviri nani kureva kuti vana vakapasa nechikamu che44,32%.

“Huwandu hwevadzidzi vakanyora vakazvimiririra hwaive 57 710 uye pakati pavo 1 950 vakanyora zvidzidzo zvishanu kana kudarika apo 180 vakapasa zvidzidzo zvishanu kana kudarika negiredhi C kana zviri nani kureva kuti vakapasa nechikamu che9,23%,” vanodaro Prof Mwenje.

Vanoti zvakaburwa mumwedzi waChikumi 2018 zvainge zvakaderera apo vadzidzi 916 pakati pe2 054 vakapasa zvidzidzo zvishanu kana kudarika negiredhi C kana zviri nani. Kureva kuti vadzidzi vakapasa nechikamu che44,59% apo vadzidzi 719 mukati me8 920 avo vakanyora vakazvimiririra vakapasa nechikamu che8,06%.

“Izvi zviri pachena kuti pakava nekuderera kwehuwandu hwevana vakanyora bvunzo mumwedzi waChikumi 2019 kana zvichienzaniswa negore radarika.”

Prof Mwenje vanoti huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo dzeA-Level mumwedzi waChikumi gore rino hwaive 5 923 kana zvichienzaniswa ne8 577 vakanyora panguva imwe chete iyi gore rapera kureva kuti pane kuderera nechikamu che30,9%.

Vanoti vadzidzi veA-Level vakanyora bvunzo gore rino vakapasa nechikamu che68,6% kana zvichienzaniswa nevegore rapera avo vakapasa nechikamu che57%.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links